Mutakura wenyimo unogutsa

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Mutakura wenyimo unogutsa Mutakura wenyimo

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA
MUTAKURA wenyimo kudya kunovaka muviri uye kuchipa simba kuvanhu vemazera ose zvawo, zvikuru kana munhu ari parwendo.

Svondo rino Plaxedes Mwaiba wekuChipinge anotsanangudza mamwe mabikirwo emutakura uyu.

Zvinodiwa:

Chikari, nyimo, munyu, mvura, mugoti nechibage chishoma

Mabikiro:

Ona kuti nyimo wadzibvisa mateko ose.

Chidzipepeta dzichene wozodzigeza.

Isa muchikari dzifashaire, uchiwedzera mvura apo neapo.

Kanda chibage chishoma zvisangane.

Siya zviibve pamwe chete, wozokanda munyu wakaringana.

Pindura nemugoti kana mugwaku.

Wozodii?

Kana dzanyatsoibva, chibura unakirwe nemhuri! Nyimo dzinodyiwa uchinwira-nwira svutugadzike, mahewu kana mvura chaiyo kuti usadzipwe. Vamwe vanotoseva nadzo sadza.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links