Mutakura wenyimo

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYANZVI dzezveutano dzinokurudzira vanhu kuti vapote vachidya chikafu chakaita semutakura wenyimo uyo unonzi une zvose zvinovaka muviri uye uchigutsa.
Pamusoro pezvo, iyi imbuva yeparwendo. Mumutakura tinowana kudya kwakaita semapuroteni nemacarbohydrates.
Svondo rino Susan Nzou wekuChipinge anotsanangura mamwe mabikirwo emutakura uyu.
Zvinodiwa:
Chikari, nyimo dzakamenywa uye dzakaomeswa, mvura nemunyu.
Mabikiro:
Tora chikari chakachena wodira komichi imwe chete yenyimo dzakamenywa.
Isa makomichi mashanu emvura, wogadza pamoto.
Ita kuti moto wako unge uchipisa zviri pakati nepakati kuitira kuti dzisatsve.
Ramba uchiwedzera mvura kusvika dzaibva, woisa munyu wakaringana.
Wozodii?
Chibura udye nemhuri.
Nyimo dzinogona kunwiswa svutugadzike, mahewu kana zvimwe zvinwiwa nekuti dzinodzipa kana ukadzidya dzakadaro.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links