Mutambi wenetball oita zve‘fuel’

03 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Mutambi wenetball oita zve‘fuel’ Ursula Ndlovu

Kwayedza

Abel Ndooka

Mutambi wenetball wechikwata chenyika chemaGems Ursula Ndlovu anoti mutambo uyu wamuvhurira mikana yakawanda muhupenyu hwake izvo zvakaona achipinzwa basa neimwe kambani inotengesa mafuta ezvifambiso.

Ndlovu, uyo anove mumwe wevatambi vemaGems vakanetsa zvikuru kumakwikwi eVitality World Cup gore radarika kuLiverpool, ave kutambira Glow Petroleum Queens iyo yakabva yamupa basa rekushanda pane imwe service station kuArdbennie muHarare.

Muhurukuro neKwayedza, Ndlovu anoti hupenyu hwake huri kugara huchishanduka kuburikidza nenetball.

“Zvinhu zvinofadza kuona kuti kune vanokoshesa isu vanhukadzi vari mune zvemitambo. Kusimudza kwatakaita mureza wenyika ini kwandibatsira zvikuru nekuti zvandivhurira mikana yakasiyana.

“Ndave kuenda kubasa uye hupenyu hwangu hwave kushanduka. Hazvirevi kuti handichatamba netball kwete nekuti ndiri kuita zvese sezvo netball ndiyo yakandiwanisa basa iri,” anodaro.

Ndlovu anoenderera mberi achiti, “Ini ndakakura ndiri munhu akashinga, ndinofarira kuita mabasa akawanda saka kwandiri zviri nyore kuita zvose kuenda kubasa uye nekutamba netball. Kubva Muvhuro ndinenge ndiri kubasa kusvika musi weChitatu ndozoti Chitatu ndapedza basa ndotopinda munzira kuenda kuKwekwe kunopinda mukembi nevamwe ndipo patinoita gadziriro dzedu dzemutambo wesvondo iroro.

“Ndiri kufara hangu chaizvo nekuti zvinofadza kuti madzimai kunyaya vari mune zvemitambo tiri kuwaniswa mikana yakasiyana uye tiri kuremekedzwa mabasa edu atinenge takaita,” anodaro Ndlovu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey