Mutambo wokanzurwa

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Cricket rakazivisa kuti mutambo wechikwata cheZim A neBangladesh uyo waifanirwa kutambwa muna Chikunguru wakakanzurwa zvichitevera chikumbiro chakabva kuBangladesh kuti uzotambwe muna Nyamavhuvhu.
Chikwata cheZim A change chichitarisirwa kusimuka musi wa28 Chikumi chakananga kuBangladesh uko zvikwata zviviri izvi zvange zvichanosangana mumitambo yetest match pamwe neOne day International.

Chinyorwa chakatumirwa neZimbabwe Cricket svondo radarika chinoti mutambo uyu wakambomiswa nekuda kwemamiriro ekunze kuBangladesh ayo ari kukanganisa mutambo weBangladesh neIndia uyo uri kutambwa parizvino.

Sangano reBangladesh Cricket Board rakanyorera reZim Cricket richizivisa nezvekumbomiswa kwemutambo uyu.
Zvakadaro, Zim Cricket yakati panguva ichazotambwa mutambo uyu muna Nyamavhuvhu inenge ichitarisira kusangana neSouth Africa pamwe neAustralia mumitambo weTriangular series saka inokwanisa kuzotamba neBangladesh muna Gunyana.

Masangano maviri aya parizvino ari muhurukuro kuti mutambo uyu ugotambwe muna Gunyana.
Managing Director weZC, Wilfred Nyamukondiwa, anoti zvakakosha kuti mutambo wezvikwata zviviri izvi uenderere mberi sezvo uchibatsira kusimbisa pamwe nekusimudzira mutambo wecricket.

Share This:

Sponsored Links