Uncategorized

Mutemo ngaurange vashambadzi vezvinyadzi

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Fourie Revai
PASI rose, pamwe nemuZimbabwe, paita kusimukira kwekushandiswa kwemafoni echizvino-zvino nekutaurirana kwevanhu padandemutande (social media).

Kunyangwe zvazvo paine zvakawanda zvinobatsira mukushandiswa kwemafoni aya, pane zvimwewo zvisina kunaka sekuburitswa kwemavhidhiyo anenge achitaridza munhu ari musvo mushure mekunge mumwe atadzirwa ave kuda kudzorerawo senzira yekurwadzisa.

Hapazi kudarika kana zuva rimwe chete masangano enhau asina kuburitsa nyaya dzerudzi urwu.

Mavhidhiyo evanhu vanenge vari musvo aya ari kuiswa padandemutande – zvikuru paWhatsApp – pasina mvumo yevanhu vacho vanenge vachibuda paari.

Zvinosuwisa kuti nyika ino haina mutemo unorwisa nyaya dzerudzi urwu zvisinei nekuti vakawanda vasangana nedambudziko iri.

Vanorwira kodzero dzevanhu, vanoona nyaya dzerudzi urwu sedzakangofanana nekushungurudzwa kwakanyanya.

Kune dzimwe nyika, vanhu vane mavhidhiyo anenge achiburitswa vari musvo ndivo vanopedzisira vave kushorwa uye kusarurwa.

Tsvakurudzo yakaitwa muna2016 nekomisheni yeMalawi Human Rights Commission, kuMalawi yakabatana neU4 Anti-Corruption Resource Centre yekuNorway – ichitarisa Malawi neUganda – inotaridza kuti vanhu vanenge vachiburitswa pamavhidhiyo vari musvo vanopedzisira vopihwa mhosva kuti sei vakabvuma kutorwa mavhidhiyo vakashama.

MuZimbabwe, mutemo hauzi kunyatsochengetedza vanhu vane mavhidhiyo anenge achiburitswa aya nekudaro panofanirwa kuve nemutemo wakananga kurwisa nyaya dzerudzi urwu.

Mutemo weCensorship and Entertainment Control Act muchikamu cheSection 13 unoti kuunza munyika muno, kushambadza, kugadzira, kutaridza, kutengesa kana kuchengeta mufananidzo, vhidhiyo kana zvimwe zvine chekuita nevanhu vasina kupfeka hazvitenderwe.

Pasi pemutemo uyu, munhu anenge aine mifananidzo kana vhidhiyo iri kushambadzwa anotorwa seane mhosva zvakare.

Mumwedzi waKurume 2018, mumwe murume akamiswa pamberi pedare reGweru Magistrates Court mushure mekunge aburitsa vhidhiyo raitaridza apo aiita bonde neshamwarikadzi yake yaakange asiyana nayo uye akabatwa nemhosva yekushambadza zvinyadzi.

Zvakabuda mudare iri kuti murume uyu akatora vhidhiyo remumhan’ari anove mupurisa zvisina mvumo yake apo vairezvana zvine chekuita nebonde.

Murume uyu akazotyisidzira shamwarikadzi yake achiti anoda kushambadza vhidhiyo iyi apo vakange vasisawirirane.

Nekuda kwekutyisidzirwa uku, shamwarikadzi yake yakamupa bonde senzira yekuti asashambadze vhidhiyo iyi asi akazongoriburitsa kuburikidza neWhatsApp.

Pakupa mutungo, mutongi akati, “Zvakaitwa nemusungwa akatadza sezvo akashambadza vhidhiyo yavaiita bonde yaakatora pasina mvumo yemumhan’ari. Awanikwa aine mhosva uye akapihwa mutongo wekubvisa faindi ye$250, kukundikana kwake anogara mujeri kwemwedzi mitatu.”

Kune dzimwe nyika, nyaya dzerudzi urwu dzine mitemo yakamirira kurwisana nadzo.

Zimbabwe haina mitemo yakadai kunyangwe zvazvo mumhan’ari anokwanisa kuenda kumatare kuti abhadharwe mari nekuda kwekunyadziswa kwaanenge aitwa.

MuZimbawe, mune gwaro reCyber Crimes and Cyber Security Bill unove mutemo uchazokumikidzwa uyo veruzhinji vari kupa pfungwa dzavo pamusoro pawo.

Gwaro iri rinopa mhosva kumunhu anenge abudisa kana kushambadza mifananidzo yevanhu vari musvo padandemutande.

Gwaro iri rinopa mhosva zvakare kune avo vanoshambadza mifananidzo yevana vari musvo, zvinove zvinhu zvinokudzwa.

Hurumende inokurudzirwa kuti ikurumidze kukumikidza mutemo uyu kuitira kuchengetedza avo vanenge vachizoshambadzwa mifananidzo yavo vari musvo.

* Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti +263782 900 900/+263776 673 873 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutifonera pamalandline(s) edu anoti +263242 708491/+2630242 706676.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>