Mutemo wekupfeka mamasiki wanyevenutswa

17 Aug, 2022 - 15:08 0 Views
Mutemo wekupfeka mamasiki wanyevenutswa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yanyevenutsa zvisungo zvekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuvanhu vakabaiwa nhomba dzose dziri nhatu kuti vachiregedza kupfeka mamasiki panzvimbo dzine veruzhinji, asi dzakavharika semumahofisi nemumabhazi, vanhu vose vachiri kukurudzirwa kuti vapfeke mamasiki.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti danho iri rakavapo mushure mekuona kuderera kwenyaya dzechirwere cheCovid-19 munyika muno.

“Mushure mekuona kuderera kwechirwere cheCovid-19, Cabinet yaona zvakakodzera kuti vanhu vose vakabaiwa nhomba dzose dziri nhatu dzekudzivirira chirwere cheCovid-19, kusanganisira booster, vachisunungurwa panhau yekupfeka mamasiki panzvimbo dzine veruzhinji, asi vachifanira kuapfeka mumabhazi nedzimwe nzvimbo dzakavharika dzisina mweya wakakwana unotenderera kuitira kuti tirambe tichirwisa chirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti vose vakabaiwa nhomba dzeCovid-19 vanofanira kufamba nemakadhi avo kuti agova umbowo.

Kubvira nemusi wa4 Chivabvu 2020, apo pakatanga kunyuka chirwere cheCovid-19 munyika muno, Hurumende yakadzika mitemo yekuona kuti veruzhinji vapfeka mamasiki, varegedza kuungana uye kuti vabaiwe nhomba dzekudzivirira denda iri.

Vanhu vakawanda vakarasikirwa neupenyu nekuda kwechirwere ichi, asi kuburikidza nekutevedza matanho akatarwa, denda iri rakaderera.

Share This:

Sponsored Links