Mutemo wewanano uripo uchienzaniswa neuri kugadzirwa

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Mutemo wewanano uripo  uchienzaniswa neuri kugadzirwa

Kwayedza

Geraldine Kabaya
MUTEMO mutsva uri maringe newanano unopa musiyano wewanano yekumatare edzimhosva neyechivanhu (civil and customary marriage).

Wanano yekumatare iyo inosungira murume kuva nemudzimai mumwe chete, yava kungoshanda maringe nemutemo wewanano weChapter 5:11 asi wechivanhu uchipa mikana yekuti munhurume anogona kuita barika.

Zvisinei neshanduko dziri kuitika munyika, wanano idzi dziri kutariswa kuti dzinge dzakafanana ndicho chikonzero nei kune gwaro reMarriage Bill rakanyorwa rikashambadzwa nedare reParamende.

Wanano yekumatare edzimhosva (Civil Marriage):
Inopembedzwa apo inoshambadza kuti munhu ave nemudzimai kana murume mumwe chete pachivawo nemagwaro ewanano.

Anenge achifambisa wanano iyi anofanira kuva nekutenda kuti vaviri vari kupinda muwanano iyi vanhu vakura uye vanotenderana newanano yavari kupinda.

Kunyoreswa kwewanano yechivanhu:
Zvinoreva kuti hakuna mumwe munhu asiri chizvarwa chemuAfrica ane kodzero yekupinda mumhando yewanano iyi.  Mhando yewanano iyi isati yazadzikiswa, panofanira kutanga paonekwa kuti vabereki vevaviri vari muwanano iyi vari kubvumirana nayo here.

Zvinodiwa muwanano iyi zvinosanganisira kubviswa kweroora asi kana anoona nezvekusainwa kwewanano iyi asina kugutsikana nazvo inogona kunzi haishandi pamutemo.

Wanano yechivanhu isina kunyoreswa:
Yakangofanana neyakanyoreswa asi hainyanyi kutariswa pamutemo. Inobatsira bedzi mukufambiswa kwetsika dzechivanhu nemagariro uye panhaka kuvana vanobarwa muwanano iyi.

Zviri kutarisirwa kunge zvichiunza shanduko muwanano (Marriage Bill):

Senzira yekusimudzira nhau dzewanano, zvakaonekwa zvakakosha kuti dzibatanidzwe.

Mitemo haisi kuzosanduka maringe nekubviswa kweroora.

Kuregedza kunyoresa wanano kunoreva kuti wanano iyoyo inenge isingatariswi. Zviri kutarisirwa ndezvekuti vabereki vemunhu havachabvunzwi kuti vanobvumirana nazvo here asi vaviri vari muwanano ndivo vanopanana chibvumirano chekunonyoresa wanano yavo kuitira kuti pasave negakava.

 Tumirai mhinduro dzenyu padandemutande rinoti [email protected] <mailto:[email protected]> kana kuchaya nhare panhamba dzinoti +263 782 900 900/+263 776 673 873 kana Toll free  08080131 uye landline(s) dzinoti  +263 242 708491/ +263 0242 706676.

Ngatishandei pamwe-chete mumukrwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidza nekupfeka mamasiki kumeso, kuregedza kuungana nekugeza maoko nguva nenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey