Uncategorized

Mutemo womutsa mabasa

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Mutemo womutsa mabasa VaNyasha Chizu

Kwayedza

Africa Moyo
KUTANGA kushanda kwemutemo wePublic Procurement and Disposal of Public Assets (PPDPA) Act (Chapter 22: 23) – uyo unofanirwa kutevedzwa nemakambani nemamwe mapoka ari pasi peHurumende uye nemakanzuru pakutenga nekutengesa zvinhu – kwaita kuti mabasa awanike kune avo vane magwaro edzidzo akakodzera.

Nguva pfupi yadarika, pakabuda mashoko eshambadzo mumapepanhau, mumaredhiyo, paterevhizheni nedzimwe nzira dzekushambadza apo makambani nemakanzuru aitsvaga vanhu vanopinda basa pachigaro chaprocurement officer sezvinodiwa nemutemo.

Svondo rapera, Insurance Pensions Commission (IPEC), Pfura Rural District Council (RDC), Rushinga RDC, Upper Manyame RDC and Bikita RDC nemamwe makambani nemakanzuru akasiyana, vose vakashambadza vachitsvaga vanhu vanoda kupinda basa semaprocurement officer.

Kanzuru yeChitungwiza inoda kupinza basa procurement manager apo yeGutu Rural District Council inoda procurement and stores control officer.

Chamangwiza weProcurement Regulatory Authority of Zimbabwe (PRAZ), VaNyasha Chizu, vanotsinhira kuti kuuya kwemutemo uyu kwamutsa mabasa ane chitsama.

“Ichokwadi, mutemo mutsva uyu waita kuti mabasa avepo kune avo vane magwaro edzidzo akakodzera,” vanodaro VaChizu.

“Hurumende inoona nyaya dzekutengwa nekutengeswa kwezvinhu dzakakosha kuitira kuti basa rifambe zvakanaka. Pane mabasa ave kumuka munyaya dzekutenga nekutengesa uye ndicho chikonzero muri kuona kuwanda kwekushambadzwa kwemabasa ane chekuita nezvekutenga nekutengesa,” vanodaro.

Hurumende ine donzvo rekuti vanhu vawane mabasa izvowo zvinosimudzira upfumi hwenyika. Mutemo wePPDPA Act wakakumikidzwa gore rapera.

Mutemo uyu wakaoona kuumbwa kweProcurement Regulatory Authority of Zimbabwe (PRAZ).

Nguva pfupi yadarika, PRAZ yakazivisa pamusoro pezvinotarisirwa panyaya yekutengwa nekutengeswa kwezvinhu nemakambani ari pasi peHurumende zvose nemakanzuru kuburikidza nekushandiswa kwemagwaro pamatanho ose nenzira yakajeka.

Izvi zvakaitwa maringe nechikamu cheSection 6 (1) chemutemo wePPDPA Act.

Hurongwa uhu hwakakosha zvikuru kuti nyika inge ichizadzikisa chiono chaPresident Mnangagwa chekuti upfumi hwenyika hunge hwasimukira zvakanyanya uye nekuti veruzhinji vange vave nemabasa epamusoro panozosvika gore ra2030.VaNyasha Chizu

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>