Mutendi akauraya baba nechepfu

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Mutendi akauraya baba nechepfu

Kwayedza

Wimbainashe Zhakata naJoel Mugariwa
VAGARI vekwaChitakatira, kwaMutare, vakasara vasina remuromo mushure mekunge mutumbi wemurume wakafukunurwa zvichitevera mashoko anoti akauraiwa nemwanakomana wake uyo akamunwisa muchetura nepamusaka pekuti ari kuda nhaka yemotokari.

Dereck Chitakatira ari kunzi akaisira baba vake – Lloyd Chitakatira (42) – muchetura panguva iyo vaiita minamato yekutsanya iye ndokuvaisira muchetura mubhodhoro remvura yekunwa nechinangwa chekuda kutora nhaka yemotokari yavo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanotsinhira nyaya iyi.

“Nomusi wa8 Kurume, Dereck anonzi akaisa mushonga wemakonzo mubhodhoro remvura yekunwa achibva asanganisa. Baba vake vanonzi vakanwa mvura ine mushonga iyi vachibva vatanga kurwara pekare-pekare,” vanodaro.

Insp Kakohwa vanoti mushakabvu uyu pamwe nemwana wake vakaenda kumutsanyo kurwizi rwunonzi Mpuzi musi wa8 Kurume vachibva vageza. Mushure mezvo ndokunwa mvura sezvavanosiita pachitendero chavo.

“Dereck ari kunzi akatora mukana uyu achibva apa baba vake mvura yaakanga aisa muchetura kuti vanwe,” vanodaro Insp Kakohwa.

Mushure mekunwa muchetura uyu, baba ava vakatanga kurwara ndokuendeswa kuChitakatira Clinic asi vakazofa mushure memazuva maviri.

Vemhuri iyi pamwe nevemachechi vakabva vasarudza kuviga mufi uyu nomusi wa11 Kurume pasina kuvhenekwa kwemutumbi wababa ava nemachiremba.

Zvisinei, mutumbi uyu wakazofukunurwa mushure memazuva mashanu uchibva waendeswa kuMutare General Hospital kunovhenekwa apo zvakaonekwa kuti mushakabvu akafa mushure mekunwa mushonga wemakonzo.

Dereck anonzi akazodura oga kuti akashanyira imwe n’anga kuBurma Valley achida kuti itsipike mweya wababa vake uyo wanga womunetsa pasina kana mazuva vafa. N’anga iyi inonzi yakamuti anyore gwaro kana tsamba achipupura zvose zvaakaita maererano nefiro yababa vake kuitira kuti igozomubatsira. Dereck anonzi akaita saizvozvo achibva aendesa tsamba iya kun’anga iya.

Zvisinei nekuti n’anga iyi yakanga yavimbisa kuti ichaita kuti mweya wemufi usapfukire mwanakomana uyu, Dereck anonzi haana kana kuzombowana rugare apo mweya kana kuti mumvuri wababa vake wakaramba uchingomuteverera zvinova zvakaita kuti hama dzake dzimuendese kumapurisa. Tsamba yaanonzi akanyora kun’anga yakaendeswawo kumapurisa mushure mekusungwa kwake.

Achitaurwa naye nevatori venhau, mudzimai wemushakabvu, Special Makunika anoti: “Ndarasikirwa nemurume wangu nenzira inorwadza uye handizive kuti chii chakapinda mumwana wangu kuti azoita zvinhu zvakadaro.

“Pese panoitika zvinhu zvakadai vanhu vanoshora shirikadzi pamwe nemhuri yose.”Insp Kakohwa vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya dzekupondana uye kuti vatsvage mazano pachinzvimbo chekuti vange vachirasikirwa neupenyu hunokosha. Zvichakadai, Dereck akamiswa pamberi pemutongi wedare reMurare Magistrates Court, Tendai Mahwe, achitarisana nemhosva yekuponda pasi pemutemo weSection 47 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23 uye akanzi adzoke kudare munguva iri kutevera mushure mekunyimwa bhero.

Share This:

Sponsored Links