Mutengo wechibage mutsva wakaziviswa

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Mutengo wechibage mutsva wakaziviswa

Kwayedza

Tendai Mugabe
HURUMENDE nemusi weChipiri svondo rino yakazivisa mitengo mitsva yezvirimwa zvakasiyana — zvinosanganisira chibage icho chave kutengwa neRTGS$726 patani kubva paRTGS$390 — nechinangwa chekuti varimi vasimukire mumabasa avo.

Mitengo mitsva iyi yakaziviswa negurukota rekufambiswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, apo vaitaura kuvatori venhau muHarare mushure memusangano wedare reCabinet.

Vakavimbisa nyika kuti Hurumende iri kushanda nesimba mukuona kuti Zimbabwe ine chikafu chakakwana zvichitevera gwaro rakaburitswa negurukota reminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugariswa kwevanhu patsva, Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri, iro riri pamusoro pemamiriro akaita zvirimwa mumwaka wa2018-2019.

Cde Mutsvangwa vakazivisa zvekare pamusoro pechirongwa cheHurumende chekuvaka madhamu kumatunhu enyika.

Pamusoro pezvo, vakataurawo nezvebasa riri kuitwa mukuvandudza mimwe migwagwa mikuru munyika.

“Cabinet yakapasisa chikumbiro chakaiswa negurukota rekurima chekuwedzera mitengo yezvirimwa zvakadai sechibage, mbesa diki, gorosi, soya beans nedonje apo chibage nedzimwe mbesa diki zvave kutengwa neRTGS$726 patani, gorosi RTGS$1 089,68, soya beans RTGS$918 patani nedonje RTGS$1 950 patani,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links