Mutengo wechingwa wotarisirwa kudzika

03 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Mutengo wechingwa wotarisirwa kudzika

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUTENGO wechingwa uri kutarisirwa kudzika gore rino risati rapera sezvo Hurumende iri kutora matanho ekuona kuti mutengo uyu wadzokera paUS$1.

Nekuda kwedambudziko rezvinhu pasi rose iro rakakonzerwa nekunetsana kweRussia neUkraine nezvimwe, mutengo wechingwa wakakwira kutanga kwegore rino kusvika paUS$1,20.

Nyika ino, zvisinei, inotarisira kuti ichawana gorosi matani 400 000 mwaka uno izvo zvichaona kuderera zvakanyanya kwemari inoshandiswa mukutenga chirimwa ichi kunze kweZimbabwe.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChishanu, gurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Masuka, vanoti sezvo kukohwewa kwegorosi kwave padanho repamusoro, mutengo wechingwa unotarisirwa kudzikira munguva pfupi iri kutevera.

Dr Masuka

“Kuitira kuti vatengi vawane hupfu nechingwa zvisingadhure, mutengo wegorosi kune vanogaya kubva kuGrain Marketing Board (GMB) uchadzikiswa nechikamu che4,4 percent kubva paUS$680 patani kuenda paUS$650 patani, inobhadharwa nechikamu cheUS$33:$67 (33 percent inobhadharwa nemadhora ekuAmerica uye 67 percent nemari yemuno),” vanodaro Masuka.

Share This:

Sponsored Links