‘muteuro weraki’ wauraya mwana

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘muteuro weraki’ wauraya mwana

Kwayedza

Whinsley Masara
MUNYAYA yasiya miviri yevazhinji yopindwa nechando nekutya, murume wekuLupane anonzi akafa mushure mekunge anwa mvura “yemuteuro” yaakapihwa naamai vake.

Thembelani Sibanda (48) wekuNdamuleni, kwaShe Mabhikwa, anonzi akapihwa mvura naamai vake, Eddy Ndlovu (69), nemusi weMuvhuro wadarika iyo akanwa achibva azoshaya muzuva rakatevera racho.

Amai ava vanoti vainge vapihwa “muteuro” uyu nemumwe muporofita achiti kana akaunwa, zvaita kuti mushakabvu aite rombo rekuwana basa.

Mapurisa vanofungidzira kuti Sibanda akafa nekuda kwemuchetura.

Imwe hama yepedyo inoti: “Mushure mekunwa mvura iyi, Sibanda akatanga kurwadziwa nemudumbu achibva atanga kurutsa. Pasina nguva, akatanga kuzvimba huro. Vehukama vakabva vamuendesa kuSt Luke’s Mission Hospital uko akanopfuudzwa kuMpilo Central Hospital, Bulawayo.

“Mushure mekurapwa kuMpilo, akazofa vava munzira paMbembesi Bridge mumugwagwa unobva kuBulawayo uchienda kuVictoria Falls. Mutumbi wake wazoendeswa kumochari yeSt Luke Mission Hospital kuti unovhenekwa.”

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMatabeleland North, Inspector Sipiwe Makonese, vanotsinhira nezvenyaya iyi vachiti ongororo ichiri kuitwa.

“Tiri kuita ongororo yenyaya yemurume akafa mushure mekunwa ‘mvura yemuteuro’ yaakapihwa naamai vake.

‘‘Murume uyu akatanga kurwadziwa nemudumbu achibva azozvimba huro ndokuzofa muzuva rakatevera,” vanodaro.

Vanoti vakamirira ongororo ichaitwa pamutumbi kuti vazive chakakonzera rufu urwu.

Share This:

Sponsored Links