Muti wagara unowira kwawakarerekera!

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

MVURA nemhepo mwaka uno ijahwi. Vana vezvikoro vari kushama kuti ko zvatiri kudzidziswa zvokuti miti haifanirwi kutemwa asi manyepo, sezvo vari kuona mazimiti ari kurakashwa, kunyanya miti iri pedyo nedzimba nemigwagwa.

Iri kutemwa nokuti vanoziva kuti kana vakasaitema pachiri nenguva, panouya mhepo kana mvura zhinji, miti iyi inodonha youraya kana kukuvadza vanhu, uyewo nokuparadza midziyo.

Kana uchidonha haukupei chiziviso. Unozongoona wave pamusoro pemba, imba yaparara; kana kuti unoona wati tande mumugwagwa, watsitsirira motokari.

Svondo rapfuura kunyika yeGhana zimuti rakangodonhera pamapopoma paive nevana vechikoro vaituhwina, ukauraya gumi nevasere. Muti wakadonha mushure mokunaya kwemvura yakawanda.

Muno muZimbabwe tinogaroona miti yakati rakata-rakata, asi kune vakachenjera, vanotema vave kuona kuti muti uyu ungangokonzeresa. Ndati vanotema muti vaoona kuti uchatisvitsa kurefu!

Saka miti yotemwa here, kana kuti ngaisiiwe ichidonha yega, kunyange zvazvo vanhu vasingazozivi kuti magumo acho amire sei?

Vaimbi vane kambo keyambiro kokuwa kana kudonha kwemiti pane zvavakange vaona, nokuti hazvipereri pamuti chete. Zvanzi:

Muti, unowira kwawakarerekera.

Mhepo ikauya,

Unowira kwawakarerekera.

Mvura ikauya,

Unowira kwawakarerekera.

 

Pakuwa kwawo muti,

Unowira kwawakarerekera.

Iyi nzira yawasarudza, yaundoda kufamba nayo

Ndiyo inopa magumo, oupenyu hwako.

 

Pakufamba kwako, nzira yawasarudza,

Ndiyo inopa magumo oupenyu hwako.

 

Basa rimwe, rimwe nerimwe

Rine magumo aro.

Iri basa rawasarudza,

Ndiro rinopa magumo,

Oupenyu hwako.

 

Mazvionaka kuti nyaya haisi yekutema kudonha kwemiti chete, asi inyaya inozvimbira, nyaya yevanhu vari kuyambirwa kuti kaitiro, kafambiro, katauriro kavanosarudza kanogona kuvaita semiti inowira kwayakarerekera.

Vanhu vanenge vaita ndomene isingachemedzi, nokuti pavanoondomoka semiti yadonha, divi ravadonhera harinetsi kuona kuti rakamira sei, uye kuti kunei kudivi iroro.

Munhu paanenge achiita mabasa ake aanenge azvisarudzira, vanhu vanoita zvavo samapofu kana matsi, asi vanenge vachiona kuti zviri kuita munhu izvi, zvichamusvitsa kumawere. Handiti muti wadonha unongotemwa-temwa wotoitwa huni?

Anenge achiitwa kunge kamwana kanonzi naamai, ucharara wachema chete. Mese vaverengi makambosvika pazera ramakanzi naamai unorara wachema bedzi, zvaitoiitika. Vana amai vedu vainge zviporofita, asi chiripo ndechokuti vaiziva kuti katambiro kauri kuita kana vakasakushapura, ivo ndivo vachazorara vave kuchipatara newe, wakuvadzwa.

Yambiro yemuti iyi, inokwana kuna ani zvake.

Vana vari muzvikoro vamwe vanotadza kuziva kuti vabereki vanomira-mira kuvaendesa kuchikoro, nokubhadhara mari dzokunyora mazamanisheni.

Vamwe vavo vanofuratira zvechikoro, votanga kudzinganisana nezvinhu zvinopinza muna taisireva. Vamwe iye zvino vari mushishi yokutora zvinodhaka, kuita zvavakomana navasikana kunge vakanzi endai kuchikoro munodzidzira kuita vana saimba. Vanenge vachiti vari kudya nyika rutivi, voshaya kuziva kuti mhedzisiro kuwa kwomuti, vove murufu nourombe.

Kana mudzimba zvimwe chete. Kune varume vanofunga kuti bhuru ngarionekwe namavanga aro, vofunga kuti kudyara mbeu pese pese zvine chimuko.

Mumwe mushamarari akati chinotadza kuzivikanwa navanhurume ndechokuti hazvizombofa zvakaitika kuti mudzimai atizirwe, kana kunenedzerwa kuti pamuviri ndepake. Hubhurumashanga hune mubairo usina kunaka kuvana, nokuti vanoda kudya, kupfeka nokuenda kuchikoro.

Chii chinopa mbiri yokunzi une madzimai gumi, vana makumi matatu, asi kuri kuzvarira vana nhamo, vowawisira kunzira ine magumo asina kunaka?

Kumabasa zvimwe chete. Sarudzo dzinowanikwa, asi zvinoonekwa kuti vamwe miti inoda kuwira kwayakarerekera, divi rine magumo asina kunaka.

Kuzoti munyaya dzezvamatongerwo enyika, ndiko kune yese, nokuti kune mimwe mikono inoti kakara kununa hudya kamwe.

Handiti tasara negore kuti sarudzo dza2018 dziitwe? Muchaona miti ichiwa kawiro kachakukahadzisai hana. Asi vana Mukwende takashaura kare kare kuti kune miti ichawira kwayakagara yakarerekera.

Muri kuvaona kukwira nokudzika mumapato ese, makuru nemaduku, kusanganisira mubato riri kutonga reZanu-PF?

Vamwe tiri kuona kuti miti yakanonokerwa kutemwa, asi zvisinei, mvura nemhepo zvazviri kuuya kudai, inowira kwayagara yakarerekera.

Vamwe musatibate kumeso muchiti Chimurenga kana Zanu-PF zviri pamwoyo penyu, nokuti chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara. Dai zvaisava izvozvo vana Mai Joice Mujuru nhasi vaizotaura kuti Morgan Tsvangirai nditende, nokuti zvakaitika muna 2008, ndivo nomurume wavo, gamba Solomon Mujuru vakaronga “bhora musango”.

Takanokora tsoka kare kare, tikaona vana mucheka kwese; uyewo takatarisa pasi pemusuva wesadza tikaona nyama yakadyiwa kare kare.

Chihwerure hachiendi kumba, saka musati zvareverwei, nokuti hapana zita rangana rataurwa. Vasati vaziva Mukwende, ngavazive kuti kukohwa kwasvika, sehurudza tinenge tave kupura, tichiita reve reve tindike.

Sokutaura kunoita vakuru, azimbwa kana kunyumwa bere nderake. Zvinove zvinotsinhirwa nomunyori wembiri wokuNigeria, Chinua Achebe anoti, “An old woman always gets uneasy, when dry bones are mentioned in a proverb.”

Tosangana paChina chounogara, tichiona vanhu vakasarudza nzira dzavakasarudza kufamba nadzo kuti vanowira kupi.

Share This:

Sponsored Links