Uncategorized

‘Muti wekutaura une chivanhu’

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Muti wekutaura une chivanhu’ Mbuya Marita Martha Ried

Kwayedza

Sukoluhle Ndlovu
TSIKAMUTANDA wekuGweru —uyo nguva yadarika akambokonzeresa mushure mekunge aenda kudare reGweru Magistrates’ Court achiti anoda kuuraya vatongi vaviri pamwechete nemuturikiri weko —anoti iye zvino ava kuda kuuraya mapurisa akamuny’omba apo akaenda kukamba achinomhan’ara nyaya yekubirwa kwaakaitwa foni.Tsikamutanda uyu anoti aronga kuuraya mapurisa anoshandira paNehanda Police Station.

Musiiwa Denhere (48) anogara kuMkoba 20 anoti haazi kuzofa akazorora kusvikira mapurisa akamuny’omba aya afa.

“Ndakaenda kukamba yemapurisa kunomhan’ara nyaya yekubirwa kwandakaitwa. Kunze kwekuti vandibatsire, mapurisa aya akati ndinofanira kutumira zvidhoma zvangu kunotora foni yangu kumunhu akaiba,” anodaro Denhere.

Anoti akanzwa kushorwa zvikuru nemashoko aakaudzwa nemapurisa aya.

“Sezvakangofanana nemunhu wose, ndine kodzero yekumhan’ara nyaya uye nekubatsirwa nemapurisa. Sei vakataura nezvenyaya yezvidhoma? Ndinonzwa kushorwa zvikuru.

“Mapurisa ose akandiny’omba pane kuti vange vachindibatsira vachafa mwedzi mumwe chete usati wapera. Pane mupurisa zvakare akandiwatsura mbama achiti ndaivapedzera nguva yavo uye nezvekushandisa zvavo. Uyu, ndichamutumira iri mheni chaiyo kuti imurove, anofanira kufa rufu rwunorwadza zvikuru,” anodaro Denhere.

Gore radarika, Denhere akatyisidzira Prophet Luke Chivasa nevatendi vechechi yeMiracle Mission Church of All Nations (MMCN) kuGweru ikoko achiti vachafa mushure mekunge Prophet Chivasa vatora zvidhoma zvake apo paichenurwa nharaunda inogara tsikamutanda uyu.

Mushure mekuchenurwa uku, Denhere akati mweya yake yekumvura (marine spirits) iyo yaanoshandisa yakange yave kumushungurudza ichiti inoda kuti zvikwambo zvitatu zvakange zvatorwa izvo zvine mazita anoti Chavasikana, Chavakomana naChamufodya zvidzoke.

Zvidhoma izvi zvakazodzoserwa kuna Denhere kwapera mwedzi mumwe chete.

 

Share This:

Sponsored Links