Mutomati unomera panzira . . .

17 Jul, 2020 - 08:07 0 Views
Mutomati unomera panzira . . . Source: Topp_Yimgrimm / iStock / Getty

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

MUTOMATI unomera panzira inopfuura neruzhinji haudyiwe nemurimi wacho chete, asi chero nemupfuuri wenzira iyoyo anotemha asina kukumbira.

Izvi zvinowanzoitika kana kusina kuibva gore iroro.

Munyika medu maita mwaka yenzara – mumhuri zvose nemumakambani. Asi kumwe kuoma kwemwaka iyi kwakonzerwa nevakuru vemisha, makambani kana matunhu. Havape vashandi zvinovakwanira, asi ivo vanozvipa zvinovagutsa.

Zvino vamwe vakaona pavanoshandira paine zvimutswa, vanotora izvozvo vogovana vachitevedzera zvinoitwa nevakuru vavo.

Pane nzvimbo dzinozivikanwa kuti dzine mitomati, naizvozvo, panzvimbo idzi panoenda vanoziva kuchengetedza vakuru nekuvayeuka kana vatemha matomatiyo. Vanhu vanopihwa mabasa epamutomati ndivo vari padyopadyo nevakuru, vaya vakanyanya kutwasuka pamabasa, vanofa vachidya nhoko dzezvironda. Nokudaro vashandi vanorwira kunoshandira pamutomati. Saka vanofanira kuratidza vakuru kuti havazovarasisa kana vatemha matomati iwayo.

Wese anorasisa vakuru pamutomati anoswera abviswapo wokandwa kumajokochwa kwakaoma segwenga.

Mitomati iri pakawanda kudzimba dzedu, kumakambani edu, kana kumitunhu.

Ukaona munhu mumwe chete achiendeswa kunoshandira kumutomati, ziva kuti pane zviri kuitika muchivande pakati pake nevakuru. Hakuzi kuchenjera kwake kunoita kuti aendeswe pamutomati, asi kuchenjera kwekutanhira vakuru matomati nokuti vakuru havadi kuonekwa vachimira-mira pamutomati, zvinovabvisa chimiro.

Izvi zvinoonekwa nokuti hapana chipenyu chinobuda pamunhu anoendeswa kumutomati chinobatsira musha, kambani kana dunhu.

CHENJEDZO:

Kushandira pamutomati kwatiuraira misha nemakambani edu. Ngatione zvipenyu zviri kubuda pamutomati kuti ruzhinji mudzimba nemumakambani edu rugutsikane kuti chokwadi munhu aendeswa kunoshandira pamutomati ari kupundutsa musha, kambani kana dunhu. Ngatisiyane nezvekuendesa vanhu kunoshandira pamutomati tichishandisa chiyereso chehusahwira nehukama pamabasa, kuti nyika yedu iwane pundutso.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links