Mutongi wemhosva apotserwa mujeri

05 Sep, 2022 - 16:09 0 Views
Mutongi wemhosva apotserwa mujeri

Kwayedza

Zvikomborero Parafini
MUTONGI wedzimhosva mudare rekuKaroi, Amanda Muridzo atongerwa kugara mujeri kwegore nemhosva yekubvuma mari yechiokomuhomwe inoita US$20.

Muridzo akatongwa mushure mekumira pamberi pedare nekubvunzurudzwa zvizere namutongi Bianca Makwande.
Muridzo aipomerwa mhosva pamwe chete namabharani wedare Shelter Kachirika, naDavid Mazowi, uyo akabhadhara chiokomuhomwe.

Mazowi akatongerwa kugara mujeri kwegore asi mwedzi mitanhatu yakasendekwa padivi kana akarega kuita imwe mhosva yerudzi urwu.

Kachirika naMuridzo, mumwe nemumwe, akapihwa mwedzi gumi nemisere mujeri asi mimwe mwedzi mitanhatu ndokusendekwa kana vakarega kupara imwe mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.
Vachapikira mwedzi gumi nemiviri.

Dare rakanzwa kuti musi wa27 Nyamavhuvhu 2018, aimbova mudzimai waMuzowi, Sinafi Chidoko akaendesa mapepa ekuti abhadharwe mendenenzi paKaroi Magistrates Court achida  $250 yekuchengeta vana vavo vaviri mushure mekunge aparadzana nababa vacho Mazowi.

Nyaya iyi yakatanga kunzwikwa mudare musi wa11 Gunyana uye mumwedzi iwoyo Kachirika naMazowi vakafurirana kuti vaone Muridzo, aiona nezvenyaya iyi kuti abatsiridze mumaonerwo aizoitwa nyaya iyi nedare.
Chidoko naMazowi vakapinda mudare pakanzi US$50 ibhadharwe semendenenzi.

Chidoko akazoenda kudare zvakare achida kuti mari yemendenenzi ikwidzwe kuenda paUS$100. Nyaya iyi ndiyo yakazoita kuti nyaya yechiokomuhomwe ibatwe.

Muridzo naKachirika, vakabatana naMazowi, vakaronga kugadzirisa nyaya kuti iende kudivi raMuzowi.
Mazowi akaisa $20 kubva munhamba yake yeEcocash mune yaKachirika, Muridzo akabva aita nyaya iyi ndokuti mari iwedzerwe.

Nyaya yakazobuda pachena apo Chidoko akafonerwa nemunhu waaisaziva achimunyeurira kuti nyaya yemendenenzi iyi yakafamba sei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>