Uncategorized

Mutoriro: Unoita svondo wakadhakwa

01 May, 2021 - 14:05 0 Views
Mutoriro: Unoita svondo wakadhakwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuChitungwiza asi achimbogara mumusha weMbare, muguta reHarare, anoti akapotsa ararama nekutora zvinodhaka zvisingatenderwe pasi pemutemo zvinosanganisira mutoriro, asi ndokuzvirega mushure mekuona kuti zvinowondonga upenyu.

VaMunyaradzi Motsi (33) vanopa nhoroondo yavo pamusoro pemutoriro kana kuti guka, pakati pemamwe mazita.
“Mishonga mizhinji inodhaka inobva kunyika yeSouth Africa ichipinda nekuBeitbridge uko inogadzirwa, imwe ichidarika nemo chete ichibva kunyika dzemhiri. Semutoriro, ndinonzwa kuti unogadzirwa kunyika yeAmerica uye vanoutengesa vanoti waimboshandiswa kupihwa mauto kuti vaite zvivindi munguva yehondo yeSecond World War.
“Izvi zvinonzi zvaiitirwa kuti vasawane hope vorega kurara nekuti neguka unogona kuita svondo rose kana mwedzi usina kurara,” vanodaro VaMotsi.

Vanoenderera mberi: “Semuno muMbare, mushonga uyu unotengeswa US$12 pagramme uye unokwanisa kuputwa nevanhu vanokwana vashanu vachidhakwa vose zvekutadza kufamba kana kuziva zvavari. Vanokwanisa kutora maawa mana kana mashanu vachingoputa vose uye vanodhakwa zvekupedza svondo.
“Mutoriro unoita kuti munhu ashaye hope kwenguva inokwana kuita svondo, munhu uchingodzungaira zvinozokonzera kuti vamwe vanouputa vabe.”
Vanoti vanonzwa kuti mamwe magadzirirwo emutoriro anosanganisira kutora ma”bulb” anozivikanwa nekuti ma”energy saver”, rogezwa mukati rozoiswa dombo racho remutoriro iro rakafanana nemunyu wemagodo mukati, kwobatidzwa kenduru iyo inodziisa nekupfungaidza dombo iri.
Hutsi hunobuda apa hunonzi haumedzwe nekuti hunokuvadza munhu zvekugona kuzoita manyoka asingagume kana kurasika njere.
“Hutsi uhwu kusanganisira neguka racho zvinonzi zvinokanganisa pfungwa dzevanhu uyewo havazonzwa kuda kudya. Ndine mumwe wangu aibva kwaChihota aiputa mutoriro uyo aienda kumuganhu wenyika achiita masvondo matatu asina kurara asi akazofa,” vanodaro VaMotsi.

Vanoti vamwe vanoti mutoriro unopa simba rakanyanya panyaya dzepabonde.

“Vanoputa mutoriro vanoonekwa nekuwondoroka nekusarara. Panoputirwa mutoriro panonhuhwa mweya wakangofanana newekumochari zvichiita kuti tifungire kuti unosanganiswa nemishonga inobaiwa zvitunha kuti zvisawore kana kukanda,” vanodaro VaMotsi.

Vanotiwo munhu anoputa mutoriro haatsvuke maziso, asi anogara akachena.

“Munhu anoputa mutoriro mukati memaoko ake munochenuruka kuita seasina ropa uyewo maziso ake anogara akachena kuita seekatsi. Imwe nzira inoshandiswa pakuputwa kwemutoriro, vamwe vanousvuta sebute, vamwe vachiputa nepamuromo kuchitiwo vamwe vanourungisa chikafu.

“Guka rakaita semunyu wemagodo saka richinzi dombo. Kune imwe yeruvara rweblue inodhura zvikuru kudarika chena yakaita semunyu.”

VaMotsi vanoenderera mberi: “Ini zvangu ndakaregedza, asi vazhinji havakwanise kuregera mutoriro nekuti ukautanga unonetsa kusiyana nawo sezvo unenge wapinda muropa.”

Vanoyambira vechidiki kuti vasiyane nekutora zvinodhaka vachiti zvinokanganisa remangwana ravo.
Kwayedza nguva pfupi yadarika yakaburista nyaya yevamwe vabereki vemuguta reHarare vari kuchema-chema vachiti upenyu hwevana vavo hwakanganiswa zvikuru zvichitevera kutora kwavari kuita zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro izvo zvave kuona vachiramba kuenda kuchikoro.

Mapurisa akatotanga chirongwa chekusunga vanhu vari kutengesa mutoriro nezvimwe zvisingatenderwe pasi pemutemo uye kusvika pari zvino vanhu vanosvika 200 vasungwa nemhosva idzi.

Share This:

Sponsored Links