Uncategorized

Mutumbi waendeswa kumakuva ka2

21 Jun, 2022 - 15:06 0 Views
Mutumbi waendeswa kumakuva ka2 Mushakabvu Brenda Mufembi

Kwayedza

Aaron Nyamayaro naPardon Manase

MUTUMBI wemukadzi wechidiki unonzi wakaendeswa kumakuva kaviri kese mushure megakava raive pamusoro peroora.

Mutumbi waBrenda Mufembi (20) unonzi wakatorwa nemurume wake, uyo akangozivikanwa saMbizi, ari oga kumochari yechipatara cheSally Mugabe Hospital uye pasina kubvumirana nemadzitezvara vake achibva aenda nawo kumarinda eGranville Cemetry.

Mbizi anonzi ainge amborambidzwa kusvika parufu rwemudzimai wake nenyaya yejeredzwa reroora.

Mhuri yekwaMufembi yakazotora mutumbi waBrenda vachibva vaudzorera kukambani inoita nezvekuvigwa kwevafi.
Mutauriri wemhuri yekwaMufembi, Farai Mufembi anoti havazive kuti mukwasha wavo akawana sei magwaro ekuviga mufi uye akaratidza kuti haana kuvaremekedza.

“Takamurambidza kusvika panhamo nekuti haana kuda kutiremekedza kuburikidza nekubvisa pfuma. Ndiko kusaka takadzorera mutumbi wemwana wedu kukambani inoviga vafi. Akangoenda kumakuva nemutumbi tisingazive, Mbizi haabatsirike,” anodaro Farai.

Anoti vakazotaurirana naMbizi ndokunyorerana pasi chibvumirano chekuti aizobvisa pfuma yavari kuda mukati memazuva manomwe zvikazoita kuti Brenda avigwe.

Mbizi haana kubatika kuti apewo divi rake panyaya ino.

Share This:

Sponsored Links