Mutumbi wakatsokodzerwa pakati pemugwagwa

03 Jan, 2025 - 10:01 0 Views
Mutumbi wakatsokodzerwa pakati pemugwagwa Kwekwe General Hospital

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuferefeta nyaya yemutumbi wemurume wakawanikwa uchingotsikwa nemotokari dzaidarika pakati pemugwagwa weHarare-Bulawayo pachinhambwe che219 kilometre peg kuKwekwe svondo rapera.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nemusi wa28 Zvita, mapurisa vakaziviswa mashoko ekuti pane mutumbi wemunhurume waiva waonekwa pakati pemugwagwa husiku.

“Pane mutumbi wemurume wakaonekwa nemusi wa28 Zvita uri pakati pemugwagwa uchingotsikwa nemotokari dzakawanda dzaidarika. Zvinotaridza kuti mufi uyu angangodaro akaita zvekutsikwa nemotokari yakatiza apo dzimwe motokariwo dzaidarika ndokuzoramba dzichingotsika chitunha ichi,” vanodaro Insp Mahoko.

Mutumbi uyu wakazotakurwa nemapurisa ndokuendwa nawo kumochari yechipatara cheKwekwe General Hospital apo kufeewa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi.

Mapurisa vari kukumbira vanhu vane ruzivo nekuda kwezvakaitika kuti vazivise chero mapurisa ari padyo navo.

“Kune vari kushaya hama yavo yechirume, vanokurudzirwa kuenda kumapurisa eZRP paKwekwe General Hospital vonotarisa kana mutumbi uyu uri wehama yavo. Tinokurudzirawo veruzhinji kuti kana vachifamba vatakure magwaro akadai sezvitupa kuitira kuzokwanisa kuzivikanwa kana paitika tsaona dzakadai idzi,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links