Mutumbi wawanikwa wakarembera mumuti

01 May, 2023 - 09:05 0 Views
Mutumbi wawanikwa wakarembera mumuti Sergeant Major Samuel Chikasha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMazowe vari kuferefeta nyaya yemutumbi wemurume akawanikwa akazvisungirira mumuti pedyo nemugodhi weJumbo East Mine.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Sergeant Major Samuel Chikasha, vanoti mutumbi uyu wakaonekwa naGolden Vangiwa (27) wekuHighway, kuGlendale, anova mukorokoza nemusi wa17 Kubvumbi zuva rodoka.

“Golden Vangiwa anobva kuGlendale akadarika nepamuti wemusekesa ndokuona mutumbi wemurume waiva wakarembera mumuti, akabva anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaJumbo Base avo vakatanga kuiferefeta.

Pakuongorora mutumbi uyu, wakawanikwa usina mavanga kana maronda,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Vanoti panzvimbo iyi hapanawo kuonekwa matsurundundu anoratidza kuti dzimwe nguva murume uyu angadaro akapondwa kana kurwiswa nevamwe vanhu.

Mufi uyu aiva akapfeka nguwani yemuto wenyemba, t-shirt yeyellow nemavara matsvuku, track bottom nhema nemagambutsu matema.

“Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yechipatara cheConcession. Mapurisa ari kufambira mberi nekuferefeta nyaya iyi, tichikumbira veruzhinji vanokwanisa kubatsira kuziva mutumbi uyu. Tinokumbirawo kuruzhinji vari kushaya hama yavo kuti vaende kuchipatara ichi vonoona mutumbi uyu,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Share This:

Sponsored Links