Mutumbi wemunhu wakawora wawanikwa

14 Nov, 2022 - 18:11 0 Views
Mutumbi wemunhu wakawora wawanikwa Vanhu vakaungana vachiona mutumbi wemunhurume uyo wakawanikwa uri pakati penhandare dzechechi mbiri kuDangamvura.

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MAPURISA ekwaMutare vari kuferefeta nyaya yemutumbi wemunhurume wakawanikwa nemusi weChitatu wave kuwora pakati penhandare mbiri dzechechi pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeBeta Shopping Centre iri kuDangamvura.

Vagari vemunzvimbo iyi vakamhanyidzana kunoona mutumbi uyu, uyo wakange wawora zvakanyanya.

Vatori venhau pavakasvika panzvimbo iyi, mapurisa aive mushishi yekuferefeta uye vachidzinga vanhu kuitira kuti vaite basa ravo zvakanaka.

Kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi apo mapurisa anoda kuziva kuti murume uyu ndiani uye kuti chii chakakonzeresa rufu rwake.

Share This:

Sponsored Links