Mutumbi wemurume wanhongwa uri musvo

11 May, 2022 - 11:05 0 Views
Mutumbi wemurume wanhongwa uri musvo Inspector Glory Banda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUTUMBI wemurume wainge uri musvo wakawanikwa uri murwizi kudunhu raMambo Nelukoba kuDete, kuMatabeleland North.

Mutauriri wemapurisa kuMatabeleland North, Inspector Glory Banda vanoti nemusi wa16 Kubvumbi nenguva dzemasikati, mudzimai anonzi Slyvia Nyathi akatuma mwanasikana wake wemakore 13 okuberekwa kunochera mvura murwizi uyo akazodzoka achimhanya achiti ainge aona munhu akafa.

“Mai Slyvia Nyathi vakatuma mwana wavo kunochera mvura murwizi akazodzoka ndokutaurira amai vake kuti aiva aona munhu akafa murwizi rwaChabasichana. Amai ava vakabva vanozivisa mukuru wemusha wavo, Sabhuku Paul Musimanganyaya.

“Sabhuku ava nerumwe ruzhinji vakazoenda kurwizi uku vakanoona mutumbi uyu usina kupfeka wakarara wakatarisa pasi mudivi reropa,” vanodaro Insp Banda.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa vachibva vatanga kuferefeta.

Mutumbi wemunhu akawanikwa uyu ndewaAlexious Nyathi (37) aiva hanzvadzi yaMai Slyvia Nyathi.

Murume uyu anonzi akanga abva pamba nenguva dza6 zuva rodoka nemusi wa15 Kubvumbi achiti aienda kunzvimbo yemabhizimisi yeDete uko asina kuzodzoka.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuHwange vakazoonawo kuti paiva nemutumbi uyu pakange pakazara ropa zvinoratidza kuti akafa nekupondwa nekutemwa nezvombo zvakatesva. Mutumbi uyu waiva neronda rakadzika panzeve yekuruboshwe, mbatya dzemushakabvu dzaiva padivi pemutumbi wake nechekumusoro,” vanodaro.

Padivi pemutumbi uyu panonzi paiva nebhodhoro redoro risina chinhu.

Wakazoendeswa kuchipatara cheHwange kunoongororwa.

Veruzhinji vangangodaro vaine ruzivo nekuda kwemafiro akaita murume uyu vari kukumbirwa kuti vazivise mapurisa ari padyo navo kuti nhubu dzakaita izvi dzikwaniswe kusungwa.

Share This:

Sponsored Links