
Kwayedza

Kingstone Mapupu
MWANA ane makore gumi okuberekwa wekwaSabhuku Chakahwata, kuDema, kwaSeke – uyo aitsvagwa nevabereki vake kwemwedzi nechidimbu yadarika mushure mekutsakatika – azowanikwa mutumbi wake uri mumugodhi usina mvura pamusha wevavakidzani vemhuri iyi.
Mutumbi uyu wakaonekwa nemusi weChina.
Percy Paisley Marambahwenda (10), uyo aipinda chikoro Grade 3 paMarikopo Primary School, kwekare kwaSeke, anonzi akashaika pamba kuma8 dzehusiku hwemusi wa22 Chikunguru apo akanonoka kudzoka kumba.
Baba vake, VaGift Marambahwenda (51), vanoti mwana wavo vakagumisira kumuona patakishopu yavo iri pamba husiku apo akazotiza mushure mekumushevedza ndokubva vamushaya zvachose.
Mutumbi wake wakazowanikwa nemusi weChina kuma4 zuva rodoka mumugodhi usina mvura wepamba pevavakidzani.
“Mutumbi wemwana takauwana neChina mumugodhi usina mvura ungangoita chinhambwe chemamita zana kubva pamba pedu pamusha wevavakidzani. Mutumbi uyu hauna kuwora izvo zvatishamisa kunyangwe mwana tapedza masvondo mashanu tamushaya.

VaGift Marambahwenda
“Mugodhi uyu unogona kuita mamita mashanu kudzika,” vanodaro VaMarambahwenda.
Mugodhi wakawanikwa mwana uyu wakazorara wakachengetedzwa neveruzhinji vemumusha uyu kusvikira mangwanani apo mapurisa vakazoenda kuti mutumbi uyu uburitswe.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro enyaya iyi.

Insp Chazovachiyi
“Regai ndigotaura nemutevedzeri wangu ndigonzwa zvizere nekuda kwenyaya iyi, ndichadzoka kwamuri,” vanodaro Insp Chazovachiyi.