Uncategorized

Mutumbi wemwana wawanikwa mugomo

23 Sep, 2021 - 13:09 0 Views
Mutumbi wemwana wawanikwa mugomo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA musikana anga achitsvagwa nehama dzake nemapurisa wekuShamva, kudunhu reMashonaland Central mushure mekutorwa nemurume asingazivikanwe apo aitengesa maponde nemumwe wake munaChikunguru wegore rino, anonzi mutumbi wake wazowanikwa watowora uri mugomo reko.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, Assistant Inspector Naison Dhliwayo vanoti mutumbi waAllana Topo (12) wakawanikwa mugomo reBesta nemusi wa16 Gunyana kwakare kuShamva.

“Tiri kuferefeta nyaya yekupondwa kwemwanasikana ainzi Allana Topo aibva mumusha weRatherdale, kuShamva. Mwana uyo akatsakatika apo aitengesa maponde nemumwe wake mushure mekutorwa nemumwe murume wavaisaziva achiti aida kumutengera maponde ndokuenda naye kukomboni yemugodhi usingazivikanwe,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Mutumbi wemwana uyu unonzi wakaonekwa naMaston Chigwenzi nenguva dzemasikati apo aitsvaga mapango musango iri.

Robert Mandela anove sekuru vaAllana anonzi ndiye akazoziva jaketi reruvara rwegrey rainge rakapfekwa nemwana uyu apo akashaika iro raive pane mutumbi uyu.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuShamva. Mapurisa ari kukurudzira vanoziva nezvenyaya iyi kuti vabatsire kuti mhondi dzakaita izvi dzisungwe.

Kune vanoda kubatsira munyaya iyi vanokwanisa kuridzira nhare mapurisa ekuShamva panhamba dzinoti 0662137357, matikitivha ekuBindura panhamba dzinoti 0662106515 kana kuzivisa mapurisa ari padyo navo.

Panguva yakashaikwa mwana uyu, Kwayedza yakaburitsa nyaya yacho apo aitsvagwa nehama dzake.

Share This:

Sponsored Links