Mutumbi wemwana wawanikwa uri mudhamu

21 May, 2024 - 19:05 0 Views
Mutumbi wemwana wawanikwa uri mudhamu Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUTUMBI wemwana musikana ane makore 13 okuberekwa wakawanikwa wakayangarara pamusoro pemvura mudhamu kuMataga, kuMberengwa, nemusi weChishanu chadarika.

Mwana uyu anonzi akaenda kunorara mumba make nenguva dza7 manheru apo ambuya nasekuru vake vakanorara mune imwe imba.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nenguva dza12 pakati pehusiku, Alfeyo Shoko, vanova sekuru vemwana uyu, vakanzwa mhere yekuchema kwake achishevedzera vachibva vabuda kuti vanoona zvaiitika.

“Alfeyo Shoko paakabuda panze anzwa kuchema nekushevedzera kwemuzukuru wake, haana kuona munhu ndokutarisa achibva adzokera mumba kunorara. Mangwanani ezuva rrakatevera, sekuru ava vakawana dhoo remba yairara musikana uyu rakavhurika iye asimo. Vakazotanga kutsvaga vachibatsirana nevamwe, mutumbi wemwana uyu ndokuzowanikwa mudhamu reManyanga wakayangarara pamusoro pemvura chinhambwe chemakiromita mana kubva pamba pavo,” vanodaro Insp Mahoko.

Mutumbi wemwana uyu wakazoendeswa kuchipatara cheZvishavane uko wakamirira kuongororwa.

Mapurisa ari kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi.

“Tinokumbira kune veruzhinji vangangodaro vaine ruzivo nekuda kwemafambiro akaita nyaya iyi yatinofungira kuti mwana uyu akapambwa akapondwa husiku kuti vazivise mapurisa ari padyo navo kana kukanda mapepa ane mashoko avo mumaSuggestion Boxes emapurisa akatekeshera nenyika,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi vanoridza nhare dzinoti 054 2221073 kana 0778 069 322.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey