Mutumgamiri mutsva weMalawi

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

MALAWIAN PRESIDENTNYIKA yeMalawi ndiyo imwe yenyika gumi neshanu dzinoumba sangano reSouthern Africa Development Community (Sadc). Dzimwe nhengo dzeSadc dzinosanganisira Angola, Botswana, Democratic People’s Republic of Congo, Lesotho, Madagascar, Mauritius, Mozambique, Namibia, Seychelles, South Africa, Swaziland, Tanzania, Zambia neZimbabwe.

Pari zvino nyika yeMalawi, kubudikidza nemutungamiri wayo, ndiyo sachigaro wesangano reSadc, ichiteverwa neZimbabwe.

Svondo rino, masangano eSadc neAfrican Union akakorokotedza mutungamiri mutsva weMalawi, muzvinafundo Arthur Peter Mutharika.

MuZimbabwe mune zvizvarwa zvokuMalawi zvakawanda, saka vanokorokotedzwawo.

President Mutharika vakagadzwa zviri pamutemo muguta guru reBlantyre musi woMuvhuro, June 2. Kugadzwa kwaPresident Mutharika kwakatevera kutora kwavakaita mhiko musi woMugovera, 31 May mushure mesarudzo dzakaitwa musi wa20 May.

President Mutharika, vanovewo mutungamiriri weDemocratic Progressive Party (DPP), vakakunda dzimwe nhengo 11 dzaikwikwidza musarudzo, kusanganisira vaive pachigaro, Dr Joyce Banda; Mufundisi Lazarus Chakwera mutungamiri weMalawi Congress Party yaDr. Hastings Kamuzu Banda, naAtupele Muluzi, mwana waVaBakili Muluzi, avo vakatonga Malawi kubva muna 1994 kusvika 2004.

Ngatizivei kuti mutungamiri mutsva weMalawi ndiani. President Peter Mutharika munin’ina  wamushakabvu President Bingu wa Mutharika avo vakashaika vari pachigaro musi wa5 April, 2002.

President Peter Mutharika vane makore 74 okuzvarwa. Vakaberekerwa kudunhu reThyolo mugore ra1940, vakaita zvidzidzo zvavo muMalawi nokuzvikoro zvapamusoro-soro mhiri kwamakungwa, kuUniversity of London neYale Law School kuUnited States of America uko kwavakawana zvitupa zvougweta.

Vakadzidzisa paUniversity of Dar es Salaam (Tanzania); Haile Selassie University (Ethiopia); Rutgers University (USA), uyewo paWashington University kuSt. Louis (USA) kwamakore 39 kubva mugore ra1972 kusvika vaenda pamudyandigere.

Mugore ra2009 vakapinda muhurumende yomukoma wavo President Bingu wa Mutharika vakave gurukota ramapazi akasiyana, kusanganisira zvamaonerwo okunze kwenyika.

Vakasiya chigaro ichi pakashaya mukoma wavo muna 2002, kusvika vazokwikwidza sarudzo dzomunaMay vakamiririra bato ravo reDPP.

President Mutharika vane vana vatatu – vasikana vaviri nemukomana. Mudzimai wavo Christophine akashaika makore 30 apfuura.

Mugore ra2011, President Mutharika vakamanikidzwa kubva pazvigaro zvamatare eInternational Centre for Settlement of Investment Disputes zvaive maringe neZimbabwe nokuti vakanzi havaikwanisa kuita mutongi gava zvakanaka sezvo mukoma wavo ainzi ane usahwira hwapedyo naPresident Mugabe.

Zvimwewo zvingade kuzivikanwa ndezvokuti President Mutharika vapinda pachigaro kwasara mazuva mashoma-shoma kuti Malawi ipemberere makore makumi mashanu yawana rusununguko musi wa6 July, 1964.

Kubva panguva iyoyo kusvika nhasi uno Malawi yaita vatungamiri vashanu: Dr Hastings Kamuzu Banda; VaBakili Muluzi; muzvinafundo Bingu wa Mutharika; Dr Joyce Banda namuzvinafundo Peter Mutharika.

 

Share This:

Sponsored Links