Mutupo

01 Oct, 2020 - 09:10 0 Views
Mutupo Hungwe

Kwayedza

Shiri Maokomavi

Mazviita Shiri,

Hungwe,

Matapatira,

Ziendanomudenga,

Pasi yakatya ndove,

Mudyanavana,

Kunyima vana zvinoshura,

Vakadzi kuvarume vavo,

Vaira shiri nebanga hazvionani,

Zvombo zveshumba,

Muranda wavanhukadzi,

Zvaitwa Hungwe yangu yiyi,

Shiri isina zishura nomunhu,

Haiwa, maita shiri,

Mwana waChasura.

Maita zvenyu VaChifambanokudenga,

Zvaitwa vaira shiri,

Shiri chena, tarirai kwadzinobva.

Gonerakudenga, VaMurefu,

Mapatapasi,

VokwaChinobhururuka,

Muira shiri wangu yuyu,

Shiri iri Hungwe.

Aiwa zvaonekwa Maokomavi.

H.C Hodza – UZ Department of African Languages

Share This:

Sponsored Links