Kwayedza

Mutyairi atsika mudzimai wake nerori

Asst Comm Paul Nyathi

Munyori weKwayedza

MURUME wekuBulawayo asungwa achipomerwa mhosva yekutsika mudzimai wake nerori nemaune pamhirizhonga yemumba nemusi weChishanu ndokuzoedza kuvhariridza mhosva nekunyepera kuti aite seatsikwa nemotokari isingazivikanwe iyo akati yakatiza.

Tendai Tigere Gondo (29) anonzi akataura manyepo kumapurisa ekuti mudzimai wake, Sanele Ndlovu (21), akatsikwa nemotokari yaaisina kuziva iyo isina kumira.

Asi mukuferefetwa kwakaitwa nyaya iyi nemapurisa, zvakabuda kuti Gondo anonzi ainyepa zvakazoita kuti asungwe mushure memazuva maviri uye ari kupomerwa mhosva yekuuraya.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira kuti Ndlovu akapondwa mumugwagwa waChaplain kuKhumalo, kuBulawayo.

Zvichakadaro, mapurisa ekuMazowe ari kuferefeta nyaya yekuuraiwa kwakaitwa mumwe mukorokoza kumugodhi weJumbo Mine nemusi weMugovera.

Murume uyu, uyo anongozivikanwa nezita rekuti Avon, anonzi akabaiwa pahudyu nechinhu chakapinza nevamwe vake vaaichera navo goridhe.

Asst Comm Nyathi vanoti vamwe vevari kupomerwa mhosva iyi vakazivikanwa saBlack, Prosper, Madhinda, Morgan, Ever naSistone.