Mutyairi wekombi ochiona

04 May, 2021 - 16:05 0 Views
Mutyairi wekombi ochiona

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUTYAIRI wekombi wekutakura vanhu zvisina mvumo sezvinodiwa pasi pemitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19 (lockdown) ava kuzvidemba zvichitevera kusungwa kwakaitwa nemapurisa apo aive akatakura vanhu kuChitungwiza achienda navo muguta reHarare.

Artwell Mataruse (41) wepanhamba 14753 Hatcliffe, muHarare, akamiswa pamberi pemutongi Danana wedare reChitungwiza Magistrates Courts nemhosva yekutyora mutemo welockdown.

Mutongi Danana akamutemera chirango chekubvisa $5 000 uye kukundikana kwake kubhadhara faindi iyi achagara mujeri kwemazuva 40.
Muchuchisi Dzinduwa akaudza dare kuti nemusi wa17 Kubvumbi gore rino, Mataruse akanga achityaira kombi yerudzi rweToyota Hiace ine nhamba dzinoti ACT 5021 kuNew Chitungwiza pedyo neNyatsime apo akabatwa nemapurisa akatakura vanhu achida kupinda navo muguta reHarare.

Akatongwa pasi pechikamu chemutemo uri maringe nekuchengetedzwa kweutano hweveruzhinji (Contravening Section 4(2) as read with 4(6)n © of the Statutary Instrument 200/20 Public Health (Covid-19 Prevention, Containment and Treatment) (Venturing into Intercity Transport Bus During Lockdown).

Mataruse anobvuma mhosva yake

Share This:

Sponsored Links