Mutyairi wemagonyeti ojuja ropa

04 Sep, 2022 - 09:09 0 Views
Mutyairi wemagonyeti ojuja ropa VaGeorge Kandiero

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MUMWE mutyairi wemagonyeti uyo akaroora ari kubuda ropa zvisingagume kubva nemusi weMuvhuro mangwanani mushure mekuita bonde nemumwe mukadzi anoita zvekutengesa muviri kwaMutare uyo waakanga abhadhara kuti amufadze.

VaEvan Nyikadzino vakangotanga kuburitsa ropa nekusikarudzi yavo pasina magumo.

Mashoko ari kufamba anoti mukadzi anoita zvekutengesa muviri uyu anonzi Linda Mungayi (30), akapedzisira atotenga chigubhu kuitira kuchingidzira ropa raibuda VaNyikadzino kuti risarambe richingozozara pasi.

Vapupuri munyaya iyi vanoti VaNyikadzino vakarasikirwa neropa rakawandisa.

Vanhu vazhinji vakaratidza kushamisika pavakasvika nguva dikidiki zvinhu izvi zvatanga kuitika.

Mungayi anoti akashungurudzika nechiitiko ichi.

Anoti VaNyikadzino mutyairi wemagonyeti weimwe kambani iri muHarare uye vakasangana panzvimbo inotandarira veruzhinji manheru apo pavakazonotsvaga kwekurara panzvimbo yekutandarira nekurara atova mambakwedza eMuvhuro.

“Akafunga kuti handina kuzviona kuti akanga abvisa kondomu patakatanga kuita bonde kekutanga. Paakanga ave kuda kupfeka rimwe kondomu akati mukati maro makanga muine zvaivamo.

“Paakaribvisa, ropa rakabva ratanga kubuda richierera. Ropa iri raisamira kubuda chero patakaedza kurivhara nechimucheka.

Akabva asvibisa machira nemubhedha zvakazoita kuti nditsvage bucket,” anodaro Mungayi.

Anoti VaNyikadzino vakaedza kumhanya kugonyeti ravo rakanga rakapakwa munaBeira Road.

Zvisinei, Mungayi haana kuvatendera kuenda nekuti aida kuti vasiye vabvisa tsvina yaiva muimba yavaiva umu.

Kunetsana kwevaviri ava kwakadaidza vanhu vaivawo panzvimbo iyi zvikazoita kuti vadaidze mapurisa.

“Pakasvika mapurisa, vakati tiende kuchipatara sezvo Nyikadzino akanga achiri kungojuja ropa asi iye akaramba.

“Takabva taenda nemota kune mumwe muporofita ari kuDangamvura uko kwandakaudzwa kuti handina chakaipa chandakanga ndaita kwaari. Muporofita uyu akatiudza kuti Nyikadzino akanga aororwa nemumwe musikana waakambodanana naye nekumusiya kwaakanga aita,” anodaro Mungayi.

Pavakabvunzwa neChipiri, VaNyikadzino vakati vachiri kujuja ropa nekusikarudzi yavo.
Vanoti vakanga vatsvaga muporofita uyo akavavimbisa kuti aizomisa kubuda kweropa uku.

“Pandakabva kwaMutare, ropa iri rakanga rambomira kubuda asi pandakapinda muNyazura, dambudziko rakabva radzoka zvakare. Ndakapedzisira ndapfeka tissue kuti ropa iri risazara mumota mangu.

“Ndichiri kunetseka kuti chii chiri kukonzeresa izvi sezvo ndisati ndambosangana nazvo muupenyu hwangu. Handisikuchenesa Linda (Mungayi) kana mumwe mukadzi wandiri kudanana naye.

“Mukadzi mumwe wandiri kudanana naye uyu akandivimbisa kuti ndikangodanana nemumwe munhu ndichazvidemba. Anondida zvakanyanya uye haanditenderi kuti ndirare nemumwe munhu,” vanodaro VaNyikadzino.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka vasnotsinhira kuti mapurisa akasvika pachiitiko ichi asi havana kupa zvizere nezvenyaya iyi.

Chiremba (Physician) Dr Stern Chisiyiwa vanoti kana murume achijuja ropa nepasikarudzi yake asiri kuita weti kana kuburitsa mbeu, zvinoreva kuti ane dambudziko munyama dzake rinenge richida kuongorororwa. Vanoti kujuja kweropa uku kunokonzereswa nezvakawanda izvo zvavanoti zvinoda kuongororwa.

Zvisinei, mukuru weZimbabwe National Traditional Healers’ Association (Zinatha) VaGeorge Kandiero vanoti VaNyikadzino vanoda kuchenurwa nekukasika.

“Nguva iri kufamba pana VaNyikadzino uye anogona kuderera pautano hwake. Kana achifungira kuti mudikani wake akamukuvadza, kungokumbira ruregerero chete hakubatsire. Anofanira kubatsirwa nekukasika, anogona kuzofa nekubuda ropa rakawanda.

“Kumisa zvinhu zvakaita seizvo kunonetsa asi zvinogoneka,” vanodaro VaKandiero.

Share This:

Sponsored Links