Muvengi wako ndiwe

03 Dec, 2020 - 11:12 0 Views
Muvengi wako ndiwe Wedzerai Nhemachena

Kwayedza

Wedzerai Nhemachena

MAZWI matsva mumutauro wedu vatema kana vachena anomera nezvinoitika munharaunda dzatigere, mungava mumisha yedu, mumatunhu kana mumakambani matinoshandira. Semuenzaniso, izwi rekuti “akazviuraiwa” idzva mumutauro weChiShona.

Dare rino rakambotambudzika kuti zvinoreveyi chaizvo kuti “akazviuraiwa”. Chakanyanya kutambudza vadare ndechekuti vana sorojena vari mudare vakanga vasati vamborinzwa. Nokudaro, dare rakagara pasi kuti rikurukure zvingadai zvichirehwa nezwi iri.

Mumwe wevadare ndiye akazouya nepfungwa yakavhura njere dzevamwe paakati tarisai mafambiro, mabatiro, nemararamiro aiita mushakabvu. Akatizve, tarisai nharaunda yake muone kuti chii chaizvo chiri kumboitika.

Vadare vakatarisa zvese zvavaiziva pane mushakabvu, kufamba kwake, kubata kwake, kwaaiswera pamwe nemararamiro ake. Iyi yakanga yatove ongororo yakadzama nokuti kuparara kwemushakabvu nekumera kwezwi idzva iri kwakashamisa vadare zvikuru.

Mushakabvu akanga asingaterere vamwe vaiedza kumubatsira kuti izvi zvauri kumhanya nazvo zvichakumukira nerimwe remazuva. Mashoko amushakabvu aive ekuti “tozozviona kana tasvika mazviri”. Vehukama, vavakidzani, vaaishanda navo vose vakasvika pakuneta naye vakamusiyawo akadaro nokuti chinonzi regedza ndechiri mumaoko, chiri mupfungwa nechiri muhana yemunhu chinonetsa kuturunura.

Mushakabvu aiita saiye ndiye akasika denga napasi rose, aifamba pamadiro, ainwa pamadiro, aive neshamwari dzakawanda, asi zhinji dzacho dzaimudira zvinhu zvake. Saka vanhu vaimuti ATT.

Tsvagurudzo yakazoburitsa pachena kuti ATT zvaireva kuti “ane twunhu twake”. Kuti vanhu vachaziva kuti twunhu utwu ndetwupi chaizvo, zvainetsa kududzira, asi chakazongozivikanwa ndechekuti mushakabvu akawanikwa mukanzira kemusango akafa ari mumotokari yake yakanakisa zvemandiriri. Aive akapfeka sutu yake, kabhodhoro kehwahwa kari padivi pechigaro chaaiva akagara mumota yake.

Zvakazozivikanwa ndezvekuti mushakabvu akanga afa nekunwa kana kunwiswa muchetura. Vanhu vakakatyamara zvikuru kuti ko munhu uyu aive nehurongwa hwake hweupenyu hwake akazvidimurirei upenyu saizvozvo? Apa ndipo pakazobuda izwi riya rekuti “akazviuraiwa”, saka musarasiswe nebhodhoro rehwahwa rine muchetura muchiti munhu akatora ega upenyu hwake, anogona kunge akamanikidzwa kunwa muchetura. Nekuti vanhu havachaziva kuti mushakabvu akaparara sei, akazviuraya here kana akauraiwa, vakazongoti akazviuraiwa.

CHENJEDZO:
Nesuwo vana samusha, masabhuku, masadunhu nesuwo vanamuzvinakambani, ngatingwarirei kuita zvinhu zvinozonzi takazviuraiwa. Ngative nemafambiro akajeka anogona kutsanangurika. Ngatisapiringishana mumafambiro edu, mukubata kwedu nemukutaura kwedu.

Ngatisaumba vavengi. Muvengi munhu anotogadzirwa newe, haangonyuki. Kutsikana konzi ndiko kunoita kuti tisvike pakuzviuraiwa. Zvakare kuzviuraiwa hakusi kuparara kweupenyu hwemunhu chete, asi kuparara kwemisha yedu, matunhu edu, makambani edu, kana nenyika yedu chaiyo pamusana pemaitiro edu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: [email protected] <mailto:
[email protected]>

Share This:

Sponsored Links