‘Muvheti’ akazvisungirira amitiswa naSoko Murehwa’

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Muvheti’ akazvisungirira  amitiswa naSoko Murehwa’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
“ININI chaiye muvheti muchena, kuitiswa mimba naSoko Murehwa, mutema akasviba kuti ndoo?” Izvi ndizvo zvinofanirwa kunge zvakavhiringa kasikana kekuEpworth ako kakasvika pakuzviuraya karwadziwa nechokwadi.

Mwanasikana wechichena ange achigara nevabereki vake kwaChiremba, anonzi akazviuraya nechikonzero chisati chanyatsojeka kunyangwe zvazvo paine mashoko ari kuti akasarudza kupfuudza upenyu hwake mushure mekunge vabereki vake vamurambidza kuroorwa nemukomana wechitema uyo anonzi akange amupa pamuviri.

Charmaine Maggeridge achimbundirana nemumwe murume aive auya pamba pake

Storm Maggeridge (15) aigara nevabereki vake kuseri kwezvitoro nemabhawa panzvimbo yemabhizimisi epaChiremba uye anonzi akazvisungirira muimba yekugezera.

Amai vemuchakabvu uyu, Charmaine Maggeridge (38), vanoti vakabatikana zvikuru nerufu rwemwanasikana wavo uyo anga ari wechipiri pavana vavo vana.

Vanoti Storm anga ari mwana aigara achifara nguva dzakawanda.

“Storm anga ari mwana wangu wechipiri pavana vasikana vaviri nevakomana vaviri. Anga aine dambudziko rekusagona muchikoro saka izvozvi anga achienda kune imwe koreji yemuno kumaextra lessons.

“Nemusi uyu, ndakabva pano ndichienda kutown kunotarisa mitengo yemamatiresi nemagumbeze ndikamusiya nevamwe vana pasina dambudziko raivapo. Ndakazonzwa ndave kufonerwa kuma10 mangwanani iwayo zvichinzi Storm azvisungirira mubathroom yedu. Ndakavhunduka zvikuru ndokudzoka kumba,” vanodaro.

Imba inonzi Storm Maggeridge akazvisungirira ari – Mufananidzo: Memory Mangombe

Imba yekugezera yakazvisungirira mwana uyu iri mukati memba yemapuranga ine mipanda mishanu.

Vanoti akatanga kuona mutumbi waStorm mukomana anonzi aidanana nekasikana aka, uyo akangozivikanwa nekunzi Gamuchirai.

Gamuchirai anonzi akambotanga kusvika pamba apa mangwanani ndokuzodzoka mushure mechinguva chipfupi apo akasvikowana Storm azvisungirira. Mukomana uyu anonzi muimbi aigarawo munzvimbo yeEpworth asi ndokuzotamira kuHatfield.

“Storm aidanana zvikuru naGamuchirai, aisada kumusiya. Handina kumbobvira ndakaona vachinetsana. Iye Gamu ndiye akatanga kuona mutumbi wemumwe wake apo anonzi akanga auya kuzomuona mangwanani, ndokumbobva akazodzoka achiwana afa.

“Ndiyezve akazozivisa vamwe, apo ndakazofonerwa ndiri kutown. Nanhasi handizive kuti Storm chii chakamunetsa kuti asvike pakuzviuraya. There is no foul play, thus real suicide (Hapana fungidziro yekuti pane zvakaipa zvaakaitwa kuti azofa, akafa nekuzvisungirira oga),” vanodaro amai ava.

Mai Maggeridge vanoenderera mberi: “Nemusi uyu, ndisati ndaenda kutown akatombondibatsira kuyera mawindow frames tichida kuisa mawindowpanes, ndichimuti ndizvo zvakanakira kubereka. Zvino haasisipo, zvinorwadza.”

Pane mashoko ari kuti Storm anga ava nepamuviri pemwedzi miviri apo akapihwa nemukomana wechitema vabereki vake ndokunzi vakati vaisada kuti aroorwe nemunhu mutema.

Storm anonzi akazotukwa nevabereki vake izvo zvakamushatirisa kusvika pakuzviuraya.

Mumwe murume akataurwa naye neKwayedza uyo akanga anobata mawoko kumhuri iyi, anotsinhira nyaya yekuti musikana uyu anonzi aiva nepamuviri uyewo nekuti vabereki vake vairamba kuti aroorwe nemukomana uyu vachiti munhu mutema.

“Anonzi anga ava nepamuviri pemwedzi miviri pemumwe mukomana waaidanana naye. Hatizive kuti mumwewo here anotaurwa uyu kana kuti ndiGamuchirai. Vabereki vemwana uyu vanonzi vakatanga kumutuka vachiti aiva apirwei mimba nemurume wechitema, izvo zvinonzi zvakarwadza musikana uyu achibva azviuraya,” anodaro murume uyu. Zvisinei, Mai Maggeridge vanoramba mashoko aya vachiti ndeekuda kusvibisa mwana wavo uyo wavanoti aiva munhu akatwasanuka.

“Ichokwadi kune mashoko akawanda akaipa uye ekunyepa ari kutaurwa nevanhu vemuno. Mwana wangu anga asina pamuviri, chakaita kuti azviuraye handichizive kana mumabhawa aisapinda. Anga aine boyfriend yake yandinoziva imwe chete, Gamuchirai, ndimusician ane vabereki vake vakashaika.

“Akatama muno muEpworth saka ave kugara kuHatfield. Vana ava vaidanana zvikuru saka ndakati ini handina mwana anoroorwa asati asvitsa makore 18, thus our policy,” vanodaro Mai Maggeridge.

Vanoti vaviri ava vanga vadanana kwegore uye Storm aisatora zvinodhaka.

“Afa kudaro, mutumbi wake wakanoongororwa kukabuda kuti kuzvisungirira chaiko pasina chimwe chinhu. Izvo zvekuti ndakamurambidza kuroorwa nemunhu mutema kunyepa. Iye Gamuchirai waaidanana naye handiti munhu mutema here, sei ndisina kumurambidza kudanana naye?”

Mai Maggeridge vanoti vose vavanogarisana navo vanhu vatema uyewo ndivo zvakare vatema vakazobatsira kuviga mutumbi wemwana wavo kumakuva ekwaZinyengere, ari kwakare kuEpworth.

“Akazviuraya nemusi weMugovera 6 May ndokuzovigwa neChipiri 9 May. Ndinotenda zvikuru vagari vemuno muEpworth vakauya nehuwandu hwavo vakaviga mwana wangu zvine mutsigo. Aiva munhu wevanhu, kuno ndiko kwave kumusha kwedu, takatama kubva kuProspect (kuWaterfalls muHarare) tisisina pekugara tichiuya kuno ,” vanodaro Mai Maggeridge. Vanoti nyaradzo yemwana wavo ichaitwa mumwedzi waNyamavhuvhu.

Baba vemuchakabvu uyu, VaPetros Maggeridge, havana kuonekwa pakashanyirwa nzvimbo iyi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekutsvaga kuti nyaya iyi yakafamba sei.

Share This:

Sponsored Links