‘Muvheti’ orova hakata

02 Nov, 2024 - 10:11 0 Views
‘Muvheti’ orova hakata Steyn nembatya dzemudzimu

Kingstone Mapupu

VANHU vazhinji vakanzwa zita rekuti n’anga vanowanzofunga machiremba echivanhu asi mumusha unogara shoroma weGunhill, muguta reHarare mune godobori rechichena iro riri kurova hakata pamwechete nekushopera.

Veronika Steyn (36), uyo anobva kunyika yeUkraine, anoti anoshandisa simba ratateguru vake kuita zvehun’anga sezvinongoitwawo nevanhu vatema vanosvikirwa nemidzimu kana kuti mashavi.

Mudzimai uyu, anova akaroorwa nechizvarwa chemuZimbabwe, anoti kunyika kwake vane zvavanoita zvakangofanana nechivanhu zvakadai sekubika doro, kuridzwa kwengoma midzimu ichisvika uye ichipanda matare.

“Kumusha kwedu tinoita chivanhu chemitambo yekushevedza mvura kumakomo anoyera ekumadokero kwenyika uko kunoitwa chivanhu midzimu ichisvika. Ini ndinoshanda nemudzimu wasekuru wangu avo vaiva mufemberi mukuru. Ndinoshandisa mishonga yechivanhu yatinoti “Cacao medicines” yakaita semhodzi dzemachokoreti nezvimwe,” anodaro Steyn.

Mimwe mishonga zvakare yaanoshandisa mukubatsira vanhu inoshevedzwa kuti Sananga.

Nzira huru mukubatsira vanhu anoti anoshandisa inonzi “Sound Bath” apo pane zvikari kana kuti mbiya dzemagirazi dzinorira nekuita mawungira dzoga paanosimudza tumiti tuviri mudare rake.

Vanhu vanopinzwa mudare rake vakawanda umo mune zvikari zvakagadzirwa nemagirazi zvinokwana zvinomwe uye zvine hukuru hwakasiyana.

Zvikari izvi anozvitenderedza nezvimiti zviviri zvidiki zvobva zvangotanga kutinhira zvoga zvekuita ruzha rwunoita maungira imba yese zvinokonzera nzeve kurira.

Vatori venhau vakapinzwa muimba iyi vakaridzirwa mbiya dzemagirazi idzi idzo dzakangotanga kuita mawungira dzangotenderedzwa nezvimiti zviviri dzisina kuiswa pamagetsi.

“Ndimo matinoongorora matambudziko evanhu vanopinda muno vanosvika gumi kana kudarika, ndotenderedza miti iyi pamabowels aya. Paanorira nekuita mawungira, ndiyo inonzi Sound Bath. Tinotenderedza pamuviri wemunhu uye apo maungira anopinda mumuviri wemunhu, chirwere chinobva chawanikwa. Tine ngoma zvakare yandinoridza, ikaitawo mawungira inotsvaga chirwere,” anodaro Steyn.

Mbiya idzi dzinoshandiswa sehakata uyewo pane matombo manomwe anogaramo.

“Panorira mbiya idzi, vanhu vazhinji vandinenge ndichibatsira vanosvikirwa nemidzimu yekwavo tobatsirana nemweya iyi kugadzirisa matambudziko avanenge vanawo. Vamwe vanogona kubva vakotsira zvekutadza kuziva zvavari, ndinobatsira vanhu ndakapfeka mbatya dzechivanhu dzemidzimu dzekumusha kwedu inongova shati kana rokwe rine mavara zvatinoshevedza kuti Vishivaka,” anodaro Steyn.

Anoti rokwe kana shati iyi zvinoshanda nesimba rinobva muvhu rinobatana nesimba remashavi ake.

“Pane ziso rechitatu rinotibatsira kuziva matambudziko ari pamunhu inova mhanza, mhanza inotaridza matambudziko ose ari pamunhu kana angopinda mudare rangu,” anodaro.

“Ndinoshandisa mishonga yemuAfrica, kunyanya yemuno muZimbabwe mandinogara nemurume wangu uyewo nemishonga yekuAmerica. Patsika dzekumusha kwangu, ndinokoshesa kupa zvipo kune vandinofarira zvakaita sedoro, machokoretsi, pefumu nezvimwewo. Zvose zvandinoita ndinoremekedza zisekuru rangu avo vaiva mufemberi mukuru vainzi Sergei vane mudzimu unosvika pandiri,”  anodaro Steyn.

N’anga iyi, iyo inove nhengo yesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), inotaura ndimi shanu.

Steyn anoti akaita zvidzidzo zvemishonga yechivanhu (herbalist) uye anoendawo kumapira akasiyana anoitwa munyika muno.

“Handina kuchechi kwandinoenda, ndinotevedza tsika dzechivanhu changu uyewo handichirase,” anodaro.

“Padanho rechikoro, ndine Bachelor in Psychology  yandakaitira kuRussia neBachelor in International Economics yandakaitira kuUkraine.

“Kunyika kwedu, tinoremekedza zvikuru mazuva anobvira musi wa5 kusvika 7 Ndira patinoita chivanhu chedu,” anodaro Steyn.

Anoenderera mberi achiti: “Ndinotenda murume wangu nekutambira chivanhu chekumusha kwangu uyo anonditsigira zvikuru. Handishore chivanhu chevamwe vanhu nekuti zvinhu zvakaipa.”

Sekuru Prince Mutandi Sibanda (57) munyori mukuru kuchikamu chezvedzidzo kusangano reZinatha vanoti vamwe vachena vanoitawo zvechivanhu zvinosanganisira hun’anga nekupoterwa nemidzimu.

“Hakuna marudzi asingaite zvechivanhu, tinawo mabotedzi, masvikiro nen’anga dzechichena vakanyoresa nesangano redu munyika muno,” vanodaro Sekuru Sibanda.

Share This:

Sponsored Links