Muza oita zvemimhanzi

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Muza oita zvemimhanzi Fidkon Weakin Muza akabata dambarefu rake rekutanga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SHASHA yemitambo yemadhirama – Fidkon Weakin Muza (38) – ave kupinda mune zvemimhanzi uye akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Zvimbavha Zverudo. “Mumakore apfuura, ndakanga ndiri kunyanya kutarisana nezvemadhirama ayo airumbidzwa nevanhu nekuti yaingova nhapi-tapi. Asi zvekuimba ndaingonzwa kuti zviri muropa saka ndakabura dambarefu rangu rekutanga rine nziyo mbiri dzinotaura pamusoro pezvinhu zvinoitika murudo, kufara nekusuwa,” anodaro Muza.

Nziyo mbiri idzi dzinonzi Memo naStacey.
“Mukambo Memo, tinenge tichiratidza imwe mhando yemadzimai anogona kupa varume vavo rudo rwechokwadi pamwe neruremekedzo kumhuri yemurume apo muna Stacey tinoona imwe mhando yemukadzi inovava kunge magaka emusango. Mukambo aka, tinoimba tichipa muenzaniso wemukadzi anotorwa sechimbwamupengo chinoruma nekuti anonetsa zvikuru zvekuti hapana kana mhando yemurume inokwanisa kugara naye,” anodaro Muza.

Nziyo idzi akadziimba achitsigirwa naRichard Chifamba uyo akange achiita mahon’era (backing vocals) pamwe naMemo Chakuinga aiimba nezwi dete (soprano).

Dambarefu iri ratova pamusika uye akaritsikisa kuQuicky Studio.
Mumakore apfuura, Muza akaita madhirama ane chitsama anosanganisira Kurauone (2001), Fidelis (2010), Zvinotapira (2016), Chondofira (2016) naChandagona Hapana (2013).

Muchinda uyu anoti matambudziko avari kuramba vachisangana nawo anosanganisira kutengeswa kwemabasa avo pamusika wemukoto kuburikidza nepairesi.

“Panyaya yepairesi, sevaimbi nevaiti nemadhirama tava kungoona kuti taita zvinhu zvedu muchinyararire kusvika pakurekodha tobva tangotengesa mumisika tega ndiko kuti tiwane chouviri,” anodaro.

Muza akatanga kuita zvemadhirama mugore ra2001 achiri kuchikoro uye anoti vechidiki havafanire kunyara kutaridza zvipo zvavo kuitira kuti vawane rutsigirwo.

“Matarenda ngaayanikwe pachena nekuti vanhu vanoyemura tarenda raonekwa. Vane matarenda vanofanirwa kupiwa mukana wekuataridza, zvikuru vechidiki uye ngavatsigirwe zvizere,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links