Muzinda weBSPZ kuGoromonzi

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Muzinda weBSPZ kuGoromonzi VaKennedy Maturure

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
BHANGA reZB Bank rinoti richabatana nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari mukuvandudza fundo.

Mashoko aya akataurwa naVaDenley Watama avo vanova ZB Bank Rotten Raw branch manager kuGoromonzi nguva pfupi yadarika apo vaiva muyenzi mukuru pakuparurwa kwenzvimbo ichavakirwa muzinda wechirongwa cheBetter Schools Programme Zimbabwe (BSPZ).

“Ndinotenda bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari nekushanda kwariri kuita mukuvandudza madzidziro evana uye kuda kuva nedzidzo yemhando yepamusoro. BSPZ ndeimwe nzira yekuvandudza kudzidza kwevana kwakanaka nekuti muzinda uyu uchange uine zvakawanda zvinonangana nevadzidzisi nevana vechikoro kuti vawedzere njere. Chinangwa chikuru cheBSPZ kuva nekudzidziswa kwakakwana kwevarairidzi uye kuva nevadzidzisi vakakwana mudunhu rega rega munyika zvinova zvinoita kuti vana vadzidze zvizere,” vanodaro.

VaDenley Watama

Vanoenderera mberi vachiti, “Goromonzi yaratidza kusada kusarira pamatanho akatorwa nebazi kuti zvikoro zvavo zvirambe zvichipa vana dzidzo yemhando yepamusoro. PaBSPZ ndipo panosangana vabereki, maticha, vakuru vezvikoro nevana vechikoro vachiita zvidzidzo.”

Vanoti dunhu reGorominzi ndiro rega ranga rasara risati rava nemuzinda weBSPZ muMashonaland East.

“Kuparura kwataita nhasi uku chidanho chikuru muGoromonzi nekuti kupera kuvakwa kwemuzinda uyu kuchabatsira kuvagari vemuno nevadzidzisi. SeZB Bank, tichapawo rubatsiro kuti muzinda uyu ubudirire kuvakwa kwawo,” vanodaro VaWatama.

VaKennedy Maturure – avo vakafanobata chigaro chaProvincial Eductaion Director kuMashonaland East – vanotsinhira mashoko aVaWatama vachiti muzinda weBSPZ wakakosha zvikuru munyaya dzekusimudzira dzidzo.

 

Share This:

Sponsored Links