Muzinda wekubatsira vanhukadzi wavhurwa

05 Dec, 2021 - 08:12 0 Views
Muzinda wekubatsira  vanhukadzi wavhurwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yakabatana nesangano reEuropean Union, United Nations uye Epworth Local Board svondo rapera ndokuparura muzinda wekusimudzira vanhukadzi weSafe Market and One Stop Centre kuEpworth panguva iyo nyika ino yakatarisana nedambudziko rekurwisa chirwere cheCovid-19.

Kuvhurwa kwemuzinda uyu – uyo unosanganisira misika ichabatsira madzimai pamwe nenzvimbo yavachange vachipangwa mazano, kurapwa pamwe nekumhan’ara nyaya dzemhirizhonga – kwakaitwa zvichifambirana nechirongwa chekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi che16 Days of Activism Against Gender-Based Violence.

Makore ose, mazuva aya anocherechedzwa kubva nemusi wa25 Mbudzi kusvika 10 Zvita uye gore rino ari kucherechedzwa pasi pedingindira rinoti, “Kupedza mhirizhonga kumadzimai nhasi: Pasi nekuroodzwa kwevana!”

Vachitaura pakuvhurwa zviri pamutemo kwemuzinda uyu, mutevedzeri wegurukota remadzimai, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizimisi madiki neari pakati nepakati – Cde Jennifer Mhlanga – vanoti kusimudzirwa kwevanhukadzi kwakakosha zvikuru mukurwisa mhirizhonga.

“Ongororo yakaitwa inoratidza kuti kana madzimai akapihwa masimba ekuti vange vachibata nyaya dzeupfumi kuburikidza nekuzvishandira vachiita mari dzavo, zvinoderedza nyaya dzemhirizhonga. Ndinotaura izvi nekuti kune madzimai akawanda ayo ari kumbunyikidzwa nevarume vanenge vaine mari uye midziyo yakadai sedzimotokari kana dzimba nekudaro kana madzimai achinge aine zvinovakwanira zvavanoda, mikana yekumbunyikidzwa inoderera,” vanodaro.

Cde Mhlanga vanoti nyaya dzemhirizhonga dzepabonde, dzinokonzerwa nekuda kwekusaenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi dziri kuwanda zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19.

“Chirwere cheCovid-19 chakakonzera zvekare kusiira chikoro panzira kwevamwe vanasikana izvo zvakaita kuti vakawanda vavo vapedzisire varoorwa vasati vabva zera uye izvi zviri kuonekwa kuburikidza nehuwandu hwepwere dzakaita nhumbu panguva iyi. Kuwaniswa kwemisika yakati tsvetere kumadzimai idanho rakatorwa neHurumende kuvasimudzira uye kuti varegedze kuvhiringwa nenyaya dzemhirizhonga. Saka tine tarisiro yekupedza nyaya dzemhirizhonga muzvikamu zvose,” vanodaro.

VaFrank Porte vanova head of EU Development Cooperation vanoti vacharamba vachitsigira nyika ino mukuedza kupedza nyaya dzemhirizhonga uye kuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera.

“Tinotenderana nedingindira riri maringe nekurwisa mhirizhonga kumadzimai uye kuroodzwa kwevana kunoita kuti vakundikane kukura zvakanaka sevamwe vachiwaniswa kodzero dzavo zvichimutsa nzara nehurombo. Muzinda weOne Stop Shop uchange uchitarisa nhuna dzose dziri maringe nemhirizhonga, veruzhinji vachibatsirwa pachena kusanganisira panyaya dzemutemo,” vanodaro.

UN Resident Coordinator (interim), Dr Alex Gasasira, vanotenda rutsigiro rwemari, zvekushandisa neruzivo izvo zvakawaniswa kunharaunda yeEpworth sezvo zvichabatsira mukurwisa mhirizhonga nekuchengetedza upenyu pamwe neutano hweveruzhinji.

Share This:

Sponsored Links