Muzinda wekuuchika zvipfuyo wavhurwa

28 Oct, 2021 - 14:10 0 Views
Muzinda wekuuchika zvipfuyo wavhurwa VaHaritatos

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUZINDA wekuuchika mombe (Artificial Insemination Station) wakaparurwa kuChegutu nemusi weChishanu chadarika kuburikidza nemubatanidzwa wemasangano akasiyana uye uchabatsira mukusimudzira huwandu hwenguruve dzichabarwa dzemhando yepamusoro zvinova zvichaona varimi vadiki vachibudirira.

Masangano anoti European Union (EU), Value Chain Alliance for Livestock Upgrading and Empowerment (VALUE) akabatana mukutsigira chirongwa ichi.

Chirongwa ichi chiri kutarisirwa kusimudzira zvekare kuvandudzwa kwenyama yenguruve kubva pamatani 18 000 kuenda pa25 000 mugore ra2025.

Hurumende, EU pamwe nevatsigiri vakazvimiririra vakagadzira muzinda weA1 Station unova unobatsira mukusimudzirwa kwemabhizimusi ekuchengeta zvipfuyo.

Vachiparura chirongwa ichi kuBradfrod Farm iri kuChegutu, mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwekumaruwa – VaVangelis Haritatos – vanoti kuvepo kwemuzinda uyu kuchasimudzira varimi zvikuru pamwe nekuwana misika mikuru.

“Varimi vari muchikamu cheA1 vane mikana mishoma yekuti zvipfuyo zvavo zvinge zvichiparadzira zvirwere uye kuburikidza nechirongwa chekuuchika ichi, tichaona nguruve nehuku dzemhando dzakasiyana dzichiburwa mukati menguva dikidiki,” vanodaro.

VaHaritatos vanoti chikamu chekuchengetwa kwezvipfuyo chakakosha zvikuru mukuwanisa mhuri kudya kunovaka muviri uye kunokwanirana.

“Kurima zvipfuyo kwakakosha nekuti kunoita kuti tiwane kudya kwemhuri pamwe nekwenyika, tichiwana zvekare mari yekunze. Chikamu che67 percent chevanhu vari kumaruwa vanopona nekuchengeta zvipfuyo zvavo apo vanotengesa vachiwana mari yekuriritira mhuri uye kurwisa nzara nehurombo. Zvipfuyo zviri nyore kuchengeta uye bhizimusi iri rinowanisa mabasa,” vanodaro.

VaHaritatos vanoti kuchengetwa kwezvipfuyo kunofambirana nehurongwa hweHurumende hweLivestock Growth and Development Plan of the Agriculture and Food Systems Transformation Strategy, National Development Strategy 1 uye Sustainable Development Goal 2 huri maringe nekupedza nzara nekukurudzira kurima kunoendeka.

Vanotenda sangano reEU nekuunza nguruve 245 dzemhando yepamusoro kubva kunyika yeSouth Africa. Nguruve idzi dzinosanganisira dzemhando yemaBoar idzo dziri kuBradford Farm zvinova zviri kusimudzira dzimwe nhando dzenguruve dzemuno.

Share This:

Sponsored Links