Muzinda wevanhukadzi wakavhurwa

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Muzinda wevanhukadzi wakavhurwa Ambassador Toshiyuki Iwado vachiparura muzinda weRozaria Memorial Trust kwaMurehwa apo Cde Apolonia Munzverengwi (kurudyi) nemunyori mukuru mubazi rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana Ambassador Rudo Chitiga (kuruboshwe) naAmbassador Nyaradzayi Gumbonzvanda vainge vakatarisa.

Kwayedza

Daphne Machiri
VANHUKADZI vari kusangana nematambudziko ekushungurudzwa nenzira dzakasiyana vave kuzowana kwekutizira zvichitevera kuvakwa kwakaitwa muzinda weRozaria Memorial Trust kwaMurehwa uyo vachawana rubatsiro.

Muzinda uyu – uyo wakavakwa nerubatsiro rwenyika yeJapan – wakaparurwa zviri pamutemo kubhuku rekwaMagaya negurukota reMashonaland East, Cde Apolonia Munzverengwi. Vanoti muzinda uyu wakakosha zvikuru.

“Nzvimbo ino ichange ichibatsira nezvakasiyana zvinosanganisira kiriniki inobatsira vanasikana nemadzimai nekukasika, kunyanya avo vanenge vasangana nematambudziko sekubhinywa uye vachawana mukana wekudzikamiswa mupfungwa nekupihwa mazano ekuenderera neupenyu hwawo.

“Zvekare pachachengetwa vaye vasina pekugara,” vanodaro Cde Munzverengwi.

Mumiriri weJapan muno, Ambassador Toshiyuki Iwado, vanoti zvakakosha kuchengetedza nekusimudzira vanhukadzi.

“Mushure mekuona kutambudzika kwevanhukadzi, takaona zvakakosha kuti tiise ruoko nekuti kusimudzira vanhukadzi kusimudzira nyika,” vanodaro.

Vanoti veruzhinji – zvikuru vamwe vanhurume – vanofanirwa kushandura mafungiro avo pamusoro pevanhukadzi.

African Union Goodwill Ambassador Nyaradzayi Gumbonzvanda vanoti kuvakwa kwemuzinda uyu mucherechedzo wekuremekedza mushakabvu Mbuya Rozaria Murumisa Dizha avo vakasangana nematambudziko ekumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana vachiri vadiki.

“Mbuya Rozaria vakaenda kumurume vaine makore gumi nematatu okuberekwa apo vaishungurudzwa zvikuru uye pavakasvitsa makore 28, vakange vave shirikadzi vakachengeta vana voga.

“Naizvozvo kuvakwa kwemuzinda uyu inzira yekusimudzira madzimai nevanasikana vechidiki,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey