Muzongondi iNo. 1 . . . Zvibodzwa 41 mumwaka . . . ‘Ndinoda kuita saChunga’

17 Apr, 2019 - 15:04 0 Views
Muzongondi iNo. 1 . . . Zvibodzwa 41 mumwaka . . . ‘Ndinoda kuita saChunga’ Felistas “Figo” Muzongondi

Kwayedza

Veronica Gwaze
FELISTAS “Figo” Muzongondi (33) – uyo akaita mukurumbira wekunwisa zvibodzwa 41 gore rakapera munhabvu yevasikana achitambira chikwata cheBlack Rhinos Queens – anoti kutamba kwake nhabvu ruremekedzo rukuru rwaanopa kuvabereki vake.

Vabereki vemutambi uyu vakashaika.  Munhoroondo yomuno, Figo akapotsa nezvibodzwa zvishanu bedzi kuti asvike pa46 izvo zvakanwiswa naMoses “Bambo” Chunga mugore ra1986.

Pose paanonwisa, Muzongondi anotambanudza maoko ake akatarira kumakore achitambirira.

Anoti izvi anozviitira kuremekedza vabereki vake avo vaanoti vanenge vachimuona vari kumatenga.

“Pose pandinopinda munhandare ndichinotamba nhabvu, ndinozviita ndiine chisimbiso chokuti ndiri kutambira vabereki vangu avo vakashaika kare kare,” anodaro Figo.

Amai vake vakashaika muna2003, baba vake ndokuzotevera 2007 vachisiya Muzongondi – uyo ava kushandira Zimbabwe Defence Forces – nemadzikoma ake maviri nevanin’ina vaviri zvakare.

Kunyangwe akatora mukombe wekunwisa zvibodzwa zvakawanda munhabvu yevanhukadzi munyika yose, Figo anoti anobatikana mumwoyo nokurangarira vabereki vake.

“Pavakashaika, vakatisiya tichingova vana toga. Vamwe vangu vanouya kuzonditsigira kazhinji pandinotamba, asi ndinongoshuvira kuti kudai nevabereki vangu varipowo,” anodaro Muzongondi.

Mutambi uyu akatanga kutamba nhabvu mugore ra2001 paNdarama High School, kuMasvingo, uko kunova ndiko kwaakapihwa zita remadunhurirwa rokuti Figo – zvichibva pazita reshasha yenhabvu yekunyika yePortugal, Luis Figo uyo akaita mukurumbira achitambira nyika yake nechikwata chekuSpain cheBarcelona.

Anoti zita iri akaripihwa pamusana pekugona nhabvu kuita sekunge mukomana.

Mugore ra2008, akatanga kutambira chikwata cheCyclone Queens, kuMbare, ndokuzobvako oenda kuMwenzana Queens muna2014.

Muna2016, akasiya ndokunotambira Black Rhinos Queens apo akazodaidzwa kuchikwata chenyika chemaMighty Warriors uko kwaakanoita mukurumbira nezvidobi zvake munhabvu.

“Kazhinji pose pandinotamba kumaMighty Warriors, ndinombodonhedza misodzi ndichirangarira kuti dai Mwari akapawo vabereki vangu mazuva panyika ekundiona ndichitambira Zimbabwe.

“Vazhinji vakazotanga kuziva nezvangu pandakatanga kutamba muchikwata chemaMighty Warriors asi nhabvu ndakatanga kuitamba ndichiri kuchikoro,” anodaro Figo.

Muzongondi – uyo ava nemukurumbira wakanyanya pakuzunguza mambure – anokurudzira vatambi venhabvu vechisikana kuti vazvibate kana vachida kubudirira.

“Kunyangwe ukava mutambi ane mukurumbira, ukasangozvibata uye ukashaya hunhu, hauna kure kwaunosvika.

“Ukava nehunhu, zvoreva zvakare kuti unogona kutamba nevamwe zvakanaka, iya yatinoti ‘team work’. Iyi ndiyo yakakosha munhabvu.”

Figo anoti pakubudirira kwake, anotenda chikwata chaanotamba nacho chinova ndicho chinoita kuti kugona kwake kuonekere.

“Mibairo yose yandinowana ndinopa kutenda kuchikwata chandinotamba nacho nokuti ndivo vanoita kuti kugona kwangu kuonekwe. Kunyangwe zvichiratidza kushingaira kwangu, asi mutambo uyu ndewechikwata,” anodaro Figo.

Kugadzirira ramangwana rake, Muzongondi anoti ava kuita zvidzidzo zvekuti awane magwaro ekurairidza vatambi nhabvu.

Anoti kunyangwe achiri kutarisira kutamba kwemakore anotevera, munhabvu munosanganikwa netsaona dzinosanganisira kukuvara naizvozvo anofanira kugara akagadzirira. Nerudo rwaainarwo nemutambo wenhabvu, Figo anoti kana azosvika panguva yokuti haachatambi munhandare, achaita zvokurairidza mutambo uyu.

“Nhabvu ndiyo upenyu hwangu, naizvozvo kana nguva yokutamba yadarika, ndichaita zvokurairidza,” anodaro.

“Ndinorangarira gore ra2010 apo takatamba fainari yeCosafa tichikwikwidzana nechikwata cheSouth Africa munhandare yeRufaro, muHarare, ndakademba kuti dai upenyu hwaitengwa, ndainotenga hwevabereki vangu kuti vaone kudadisa kwandakaita zuva iroro.

“Taisirakashwa neSouth Africa nguva dzose asi musi uyu takaita sungano sechikwata kuti taida kuvaratidza kuti hatikundwi munyika medu.

“Tichipinda munhandare, taiva tizere neuturu hwekuda kugohwesa, naizvozvo vasikana veSouth Africa takavapa nguva yakaoma tikavakwapaidza 3-0.

“Kunyangwe musi uyu ndisina kunwisa, asi ndakatamba nemwoyo wose uye tiine donzvo rimwe chete sechikwata tikabudirira,” anodaro Muzongondi.

Figo anoti gore rino anoda kutamba nekugohwesa kudarika gore rakapera.

Shuviro yake ndeyekudarika zvibodzwa zvaChunga zvemugore ra1986 iro rinova ndiro raakaberekwa.

Kubva 1986 kudzimara zvino, hakuna mutambi wenhabvu muno ati anwisa zvibodzwa sezvakaitwa naBambo mumwaka mumwe chete. Muzongondi ndiye bedzi ari pedyo nezvibodzwa 41 zvegore rapera.

Figo anoona kuberekwa kwake mugore ra1986 sokunge zvine chirevo muupenyu hwake zvinova ndizvo zvaanofunga kuti zvakaita kuti atambe nhabvu.

“Kusangana kwemakore aya – ekubarwa kwake nekunwisa kwaChunga – kwandiri haisi tsaona, zvinoreva kuti gore irori rakakosha zvikuru kwandiri.

“Naizvozvo ndoda kugohwesa kudarika zvakaitwa naBambo mugore irori,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links