Muzukuru otukirira gogo

22 May, 2023 - 11:05 0 Views
Muzukuru otukirira gogo Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

CHIREVO chekuti ukarera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma chozadzikiswa nekushungurudzwa zvakanyanya kuri kuitwa imwe chembere yemuHarare nemuzukuru wayo uyo wayakarera.

Mbuya Joyce Changara vakaudza dare reHarare Civil Court kuti Ropafadzo Chikata anovatuka zvakaomarara pamusaka penyaya dzenhando achivapomera kuti vanodzidzisa vana kuita zvinonyadzisira apo vanenge vachitamba mahumbwe.

“Mwana uyu anongoda kugara achimutsa mhirizhonga pamba, haagoni kugara nevamwe murunyararo. Ndine muroora ari pamba uyo anoda kugara achirwisa, ndinoshaya kuti sei achidaro,” vanodaro Mbuya Changara.

Vanoenderera mberi vachiti: “Muzukuru uyu handichada kumuona pamba zvese namai vacho nekuti akatanga mhirizhonga vanobva vabatana namai vake. Vanokutsanirana kurova muroora, ndikada kuvabata muzukuru uyu anondisaidzira kumadziro. “Makambozvionepi kuti chembere yakaita seni inodzidzisa vana kuita zvisina basa pamahumbwe? Ngavabve pamba pangu nekuti handisisina rugare zvachose.

Ropafadzo haana kupikisa zvakataurwa naambuya vake.

Mutongi Tamara Chibindi vakapa Mbuya Changara gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links