Muzvikoro mitambo yaondongwa

17 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
Muzvikoro mitambo yaondongwa Arthur Maphosa

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reNational Association of School Heads (NASH) rinoti vana vanotamba mitambo yakasiyana muzvikoro vakanganiswa zvikuru kusimukira kwezvipo zvavo kubvira pakanyuka chirwere cheCovid-19 kekutanga munyika muno gore rapera sezvo mitambo iyi isiri kuitwa.

Mutungamiri weNASH – Arthur Maphosa – anoti mitambo yemuzvikoro inorongwa nesangano ravo kwemakore akawanda inobatsira kusimudzira vana munyaya dzemitambo izvo zviri kuona vamwe vachinokwikwidza kunze kwenyika kumitambo yakaita seConfederation of Schools Sports Association of Sourthen Africa (COSSASA).

Maphosa anoti kuvepo kweCovid-19 kwaita kuti vechidiki varasikirwe nemitambo iyi.
“Zvinorwadza kuti remangwana revana vedu muzvikoro riri kutokanganiswa, makore maviri aya hatina mitambo yatambwa muzvikoro, vana vazhinji vatorasikirwa ipapo.

“Tiri kuchema nguva dzose kuti dai denda iri rachipera uye dai tapihwa mikana yekuti tironge mitambo yevana nekuti tinofanira kuvarongera remangwana ravo nekuti vakaregererwa rinoenda mudondo,” anodaro Maphosa.

Makore ose, NASH inoronga mitambo mikuru inosanganisira Copa Coca Cola yenhabvu kuchiti Stella Netball under 17.

Mitambo miviri iyi inozivikanwa ichibika shasha dzakawanda dzakaita mukurumbira pasi rose mumutambo wenhabvu nenetball.

Vatambi venhabvu vane mukurumbira vakaita saPeter Ndlovu, Knowledge Musona naKhama Billiat vakadarika nemumutambo weCopa Coca Cola.

Kozoti kunetball, vatambi vechikwata chenyika cheGems vanosanganisira Sharon Bwanali naFelistas Kwangwa vakapfuura nemuchirongwa cheStella Under 17 netball tournament.

“Chikwata chenyika chemaGems chiye chakaenda kuLiverpool kuWorld Cup mugore ra2019, vasikana vazhinji vaive muchikwata ichi vakapfura nemumaoko edu.
Zvakare tinofara tichiona kuti vave kutorarama nemutambo uyu uye vachitambira zvikwata zvikuru zvenetball, zvimwe chetezvo kunhabvu. Saka mitambo iyi yakakosha, tikagarisa isingatambwe vana vakawanda vanorasikirwa nemikana mizhinji,” anodaro Maphosa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>