Muzvinabhizimisi afira pakamba yemapurisa

10 Nov, 2022 - 14:11 0 Views
Muzvinabhizimisi afira pakamba yemapurisa Muchina wekuvheneka Bp

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUZVINABHIZIMISI wechidzimai ane mukurumbira muguta reGweru anonzi akafira mumotokari yake ari pakamba yemapurisa yeMonomotapa Police Station iri kurukisheni rweMtapa, kuGweru kwakare.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, havana kukwaniswa kubatika kuti vataure nekuda kwenyaya iyi.

Mai Shiela Mugobe Shoshore (43), avo vaigara kuMkoba 13 muGweru, vaizivikanwa zvikuru mubhizimusi rekutakura vanhu nemakombi netekisi.

“Mudzimai uyu aiva nemakombi maviri netekisi zvaitakura vanhu kuSenga nekuMkoba,” anodaro mumwe mupi wemashoko.

Mai Shoshore vanonzi vaitambudzwa nechirwere cheBp.

Zvinonzi nemusi weSvondo wadarika nenguva dza5 zuva rodoka, vakaparadzana nemwanasikana wavo – Hazel Mawere (19) – pachiteshi chematekisi cheTM Taxi Rank muguta reGweru.

“Mwanasikana wavo akaenda kuchikoro kwake kuMidlands State University (MSU), musi mumwe chete uyu, Mai Shoshore vakazoenda kukamba yemapurisa uko vaiwanzosiya motokari yavo vachizodarikira kumba kwavo,” anodaro mupi wemashoko uyu.

“Nemusi wa7 Mbudzi, Mai Shoshore vakaenda kukamba yeMonomotapa Police Station uko vakasvikotaurira mupurisa aiva pabasa kuti vakanga vava kutora motokari yavo. Nenguva dza8:45 mangwanani, mamwe mapurisa aiva pabasa achitenderera mukamba umu vakaona Honda Fit chena yaiva yakamiswa mukamba umu. Vakazoona kuti mudzimai aivemo pachigaro chemutyairi musoro wake wakazendamira pamudhiraivho zvairatidza kuti akatenge akafa kare.”

Mukuru wekamba iyi akazoziviswa nezvechiitiko ichi akazoshevedza amburenzi, nyaya iyi ikamhan’arwa pasi penhamba dzinoti RRB 5367532.

Mutumbi wakazoendeswa kuGweru Provincial Hospital.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>