Muzvinabhizimisi apondwa nemakororo

26 May, 2024 - 11:05 0 Views
Muzvinabhizimisi apondwa nemakororo Mushakabvu Edina Saika

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUZVINABHZIMISI wepapurazi reKnock Maroon Serui Source, kuNorton akapondwa nemakororo aive akapakata pfuti mushure mekurohwa zvakaipisisa.

Inspector Ian Kohwera mutauriri wemapurisa kuMashonaland West vanoti makororo maviri echirume akapinda nechisimba muchitoro cheGwanzura nemusi wa18 Chivabvu umo maiva murere VaElderman Charles Kujokera Gwanzura nemumudzimai wavo, Mai Edina Saika (48) vepaPlot 56 papurazi iri.

“Tine nyaya inosuwisa iri kuferefetwa nemapurisa eZRP Norton Rural emakororo akapinda nechisimba muchitoro cheGwanzura chiri papurazi reKnock Maroon Serui Source nenguva dza0100 hours, ndokurova zvakaomarara Gwanzura nemudzimai wake Edina Saika vakakuvara zvikuru,” vanodaro Insp Kohwera.

Inspector Ian Kohwera.jpg

Vanoti makororo aya akapinda muchitoro ichi vaine pfuti isina kuzivikanwa mhando yayo pamwechete neElectric shocker.

“Pakasvika makororo aya, vakatanga varidza pfuti kamwechete vari kunze ndokuzopwanya dhoo ndokupinda muchitoro umu maiva murere Edina Saika naCharles Gwanzura Kujokera. Vakatanga kuvarova kakawanda muviri wese nemupinyi webadza uyo vakawana muchitoro ichi vachitaura kuti vaida mari. Vakazobvujunura vachisecha muchitoro umu ndokutora US$744, airtime inokosha US$43.42c, terevhizheni, bhatiri re2x12 volts relithium uye vakazotorawo magirosari akasiyana zvose zvinokosha US$3 677,” vanodaro Insp Kohwera.

Girosari ravakatora iri vanonzi vakaritakura nemotokari isina kuzivikanwa ndokuenda.

“Vaviri vaiva vakuvadzwa nemakororo aya vakazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheNorton uko Edina Saika akasvika achishaika nekuda kwemaronda. Elderman Kujokera Gwanzura akarapwa akazoburitswa muchipatara uye achiri kurapwa achibva kumba.

“Mutumbi waEdina Saika wakazoongororwa nanachiremba ndokuvigwa nemusi wa21 Chivabvu kwakare kupurazi reKnock Maroon,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti vari kukumbira veruzhinji vangave neruzivo nekune makororo aya kuti vaudze mapurisa ari pedyo navo kuitira kuti asungwe.

“Kune vane zvavanoziva ngavazivise chero kamba yemapurisa yavasvika kuitira kuti nhubu idzi dzisungwe. Tinokurudzira vemabhizimisi kuti vatsvage magadhi kana varindi vanorara vachichengeta zvitoro zvavo vachishandisawo imbwa nguva dzose, vaine zvombo zvakanyoreswa pamutemo zvakaita sepfuti kuitira kudzivirira tsaona dzakadai idzi nekubirwa,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti nyaya dzekubiwa muzvitoro munzvimbo iyi dziri kuwanda sezvo munguva pfupi yakadarika, pachitoro cheNyaga City pakapazwa zvakare pakabiwa.

“Tinokurudzirawo veruzhinji kuti vakaona vanhu vavasinganzwisise vachingombeya-mbeya munzvimbo dzavo ngavakurumidze kuzivisa mapurisa kotorwa matanho akakodzera nenguva,” vanodaro Insp Kohwera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey