Muzvinabhizmusi onzi akapfura munhu

12 Feb, 2021 - 15:02 0 Views
Muzvinabhizmusi onzi akapfura munhu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUZVINHABHIZIMISI wekwaSeke akamiswa mudare reChitungwiza Magistrate’s Courts nemhosva mbiri, yekuuraya munhu nepfuti neyekuedza kuvanza umbowo.

Mutongi Tinashe Tashaya akati Ngoni Rufu (46) adzoke mudare musi wa17 Kukadzi apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi uye akati bhero anofanira kukumbira kudare guru reHigh Court.

Rufu ari kupomerwa kupfura Stanford Chikumba nepfuti achibva afa.

Musungwa uyu ari kumiririrwa negweta rake VaPhilip Hamunakwadi vekambani yeHamunakwadi & Associates.

Muchuchisi Tendai Katonha akaudza dare kuti nemusi wa30 Ndira gore rino nenguva dza9 husiku, mushakabvu Stanford Chikumba aiva naSherpard Chikumba, Forward Chikumba naEdmore Chikumba vachinwa doro paCorner Store Bottle Store iri panzvimbo yeMurisa Business Centre, kwaSeke rinova bhawa raRufu.

Pazuva rimwe chete, Rufu anonzi akasvika nemotokari yake aine vamwe vakadzi vatatu vaasiri kudura mazita avo.

Chikwata ichi chinonzi chakamisa motokari pamberi pebhawa iri vachibva vadzika ndokutanga kuridza mimhanzi.

Rufu akapinda mubhawa iri uye pasina nguva akadzoka kumotokari akabata bhodhoro aine mumwe wevashandi vake anonzi Tanatswa Pauline Nyamupingidza panova pavakawana Sherpard achitamba mimhanzi nevasikana vatatu vaye.

Izvi zvinonzi hazvina kufadza Rufu uyo akamubvunza kuti akanga achivazivirepi vakadzi ava uye kuti sei aitamba navo.
Rufu anonzi akabva amukanda mbama mbiri kumeso.

Mushure mekuona izvi, Stanford akataurira Sherpard kuti zvaive nani kuti vachienda kumba achibva vabvuma.
Stanford naSherpard pavakanga vava kuenda kumba, vatova chinhambwe chemamita 50, Rufu nemumwe wevasikana ava vanonzi vakapinda mumotokari vachibva vavatevera.

Vave pedyo navo, Rufu anonzi akavaridzira pfuti yake (Personal Barreta 9mm Pistol) ine nhamba dzinoti 654230 achibva apfura Stanford kamwe chete mumusoro achibva apunzikira pasi.
Mushure meizvi, Rufu anonzi akabva anyangarika.

Sherpard akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa avo vakazoenda kunotora Stanford ndokuenda naye kuChitungwiza Central Hospital uko akasvikonzi akanga atoshaya.
Rufu akazosungwa nenyaya yehumhondi iyi uye ari kutongwa nechikamu chemutemo we(Murder) Section 47 of the Criminal Law Codfication and Reform Act Chapter 9:23.

Munyaya yepiri, Rufu ari kutongwa nemhosva yekuedza kuvanza umbowo kuti apukunyuke pamhosva: (Defeating or Obstructing the Course of Justice as Defined in Section 184 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23).

Anonzi nemusi wa1 Kukadzi, mushure mekuona kuti pfuti yaakashandisa yaizomira seumbowo pamhosva yehumhondi, Rufu akaita mushandirapamwe naMemory Masiiwa anova managing director kuBallistics Arms and Security achibva amutaurira kuti atore pfuti iyi achinyebera kuti iri kugadzirwa uye iri mumaoko ake.

Vanonzi vakabva varangana kuti panyorwe magwaro anoratidza kuti pfuti iyi yakaenda kumaMasiiwa nemusi wa28 Ndira kuti zviite sekuti mhosva yekupfurwa kwemunhu nepfuti iyi yakaparwa iye asati adzorerwa pfuti iyi.

Masiiwa anonzi akabva audza mushandi wake, Carroline Laisa Mangara, kuti anyore magwaro aya achiratidza sekuti vakasiirwa magwaro aya ane nhamba dzinoti 11131 asi aine zuva remusi wa28 Ndira.

Pazuva rimwe chete raakapihwa magwaro aya, Rufu akanozvipereka kumapurisa eZimbabwe Republic Police ekuDema kuti anopindura nyaya yehumhondi iyo ari kupomerwa inova yakaitika nemusi wa30 Ndira.

Paaibvunzurudzwa nezvenyaya iyi, akanzi aburitse pfuti yaakashandisa mukupfura Stanford asi akarambisisa achiti akanga asina pfuti sezvo akaiendesa kunogadzirwa kuBallistics Arms and Security nemusi wa28 mhosva iyi isati yaparwa.

Zvisinei, ongororo yakaitwa nematikitivha inonzi yakaratidza kuti Rufu akazoendesa pfuti iyi kuBallistics and Arms mushure mekunge atoishandisa kupfura mushakabvu apo magwaro nemabhuku akashandiswa acho zviri kushandiswa mudare seumbowo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey