Mvura ichanaya zvakanaka: Ongororo

29 Aug, 2024 - 15:08 0 Views
Mvura ichanaya zvakanaka: Ongororo

Muchaneta Chimuka

ZVICHITEVERA musangano wenyanzvi weSouthern Africa Regional Climate Outlook Forum (SARCOF), uyo wakaitwa kwesvondo rose muguta reHarare, sangano iri rinoti mwaka wa2024/25 uchange uine chimiro chakanaka apo mvura iri pakati nepakati iri kutarisirwa kunaya.

Izvi zvichabatsira zvakanyanya munyaya dzekurima uye kuwaniswa kwemvura kune veruzhinji yekuitisa mabasa akasiyana mudzimba nemumaindasitiri.

Vachitaura pazuva rekupedzisira remusangano weSARCOF muHarare nemusi weChitatu, mukuru webazi reMeteorological Services Department – Mai Rebecca Manzou – vanoti Zimbabwe nedzimwe nyika dziri muSouthern Africa dzinotarisirwa kuwana mvura yekunaya iri pakati nepakati kana kupfuura mumwaka wa2024/5.

Vanoti zvakakosha kuti nyanzvi dzinoona nezvekurima dziyambire varimi kuti vachitotanga kugadzirira zvinodiwa.

“Pane mikana yekuwana mvura yekunaya yakaringana pakati pemwedzi waGumiguru naZvita munyika dzakadai seZambia, Zimbabwe, Botswana nekuchamhembe kweSouth Africa. Nzvimbo dzine mukana wekunaya kwemvura iri pasi nguva zhinji dzinotarisirwa kuwedzera kusvika kuchamhembe kweDRC (Democratic Republic of Congo) nekuchamhembe kweTanzania pakati paZvita kusvika Kukadzi,” vanodaro.

Mai Manzou vanoti kuziva mamiriro ekunze kwakakosha kuvarimi kuitira gadziriro uye nekuziva mhando dzembesa dzekudyara.

VaPaul Zakariya, avo vanova executive director weZimbabwe Farmers Union (ZFU), vanoti varimi vanofanira kutevedza zvinobuda maringe nemamiriro ekunze kuti vakwanise kuronga mabasa ekurima zvakanaka.

“Mwaka wadarika wa2023-24, wanga wakaipa zvikuru sezvo tisina kuwana mvura yakakwana nokudaro zvabuda pamusangano uyu zvichapa nyevenutso kuvarimi kuti vawane pekutangira,” vanodaro.

Mai Depinah Nkomo, vanova muvambi wesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Trust, vanotiwo vanofara zvikuru nezvakabuda pamusangano uyu.

“Mwaka wadarika varimi vazhinji vakarima nemvura yekutanga ndivo vakawana goho riri nani. Tinofara kuti mvura yanzi ichanaya yakaringana mwaka uno, chatova chitsvambe kwatiri kuti tigare takagadzira minda yedu nekuchera makomba ePfumvudza kuitira kuti mvura painonaya tinobva tangodyara. Mvura yekunaya yakakosha nekuti varimi vadiki, vanova vazhinji munyika muno, havana madiridziro kureva kuti kana ikanaya zvinovarerutsira uye zvipfuyo zvedu zvinowanawo mvura yekunwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey