Mvura ine dutu, mafashamu youya

05 Jan, 2023 - 17:01 0 Views
Mvura ine dutu, mafashamu youya VaNathan Nkomo

Kwayedza

Ivan Zhakata

BAZI rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika, reDepartment of Civil Protection (DCP), rinozivisa kuti kuchanaya mvura inopfuura 50mm kubva nemusi weChishanu chino kusvika neSvondo nekudaro veruzhinji vanofanirwa kugara vakangwarira nekutora matanho akakodzera kana kukaita mafashamu.

VeDCP vakabatana neveMeteorological Services Department (MSD) vanoti kuri kutarisirwa kunaya mvura inodarika 50mm munzvimbo dzakawanda dzenyika uye mafashamu kune matoro uye nzvimbo dziri pedyo nenzizi.

Matenga ezvivakwa anonzi anogona kutakurwa nemvura ine dutu apo miti ichidonhedzwa uye vanhu vanofanirwa kugara mudzimba panguva yemvura ine mabhanan’ana.

“Kana kufamba kuchidikanwa, tapota chenjererai mumigwagwa zvinenge zvisiri nyore kuona zviri kumberi nokudaro zvinounza njodzi. Musaedze kuyambuka nzizi dzakazara (netsoka kana nemotokari),” inodaro MSD.

Mapoka akasiyana nevatungamiriri vematunhu semadzishe vanokurudzirwa kuzivisa nharaunda dzavo nezvenjodzi yemafashamu kumatunhu ose eMashonaland, Manicaland, Midlands neMasvingo.

Mukuru webazi reDepartment of Civil Protection, VaNathan Nkomo, vanoti makomiti anoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munharaunda dzenyika yose atovepo.

Mafashamu

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vacherechedze chenjedzo yeMeteorological Services Department apo vari kuramba vachiongorora zviri kuitika. Vanhu vanofanirwa kungwarira mafashamu, kusayambuka nzizi nehova dzinenge dzakazara uye kugara mudzimba panguva yekunaya,” vanodaro.

VaNkomo vanoti kunaya kwemvura yakawandisa inyaya huru uye vanhu vanofanira kungwarira zvakanyanya.

“Kushanduka kwemamiriro ekunze hakusisiri kwenzvimbo dzakaderera chete sezvo kuchigona kukanganisa nzvimbo dzose, kusanganisira dzakakwirira. Kurudziro yedu kuvanhu ndeyekuti vaone kuti njodzi dzose dzekunaya kwemvura dzacherechedzwa.

“Vanhu vanofanira kuregedza kubuda kunze kana kuchinaya uye vogara kure nemahwindo nemidziyo yemagetsi kana kuine mabhanan’ana.

“Kana mvura ichinaya uye munhu ari panze panguva yemabhanan’ana, nzvimbo yakanakisisa yokuhwanda mumotokari kana muchivakwa chakasimba. Hatitarisire kuti vatyairi vayambuke mazambuko akazara,” vanodaro.

VaNkomo vanoti bazi ravo rakatenga mafuta erudzi rweJet A1 anokosha US$1 miriyoni anodiwa nezvikopokopo kuitira kuti vanhu vabviswe nechimbichimbi munzvimbo dzinenge dzawirwa nemafashamu.

Zvikoro zvakaonekwa senzvimbo dzakakodzera dzekufanogarisa vanhu vanenge vasangana nemafashamu.

VaNkomo vanoti veruzhinji vanofanirwa kuziva mamiriro ekunze munharaunda dzavo kuitira kuti zvive nyore kuziva kwekuenda kana paitika mafashamu.

Share This:

Sponsored Links