Mvura inogona kushomeka

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Elina Chikwati
ZIMBABWE inotarisirwa kuwana mvura yakaringana asi ichigona kuzoshomeka pane inotarisirwa mumwaka wose wekurima wa2018/19, Hurumende inoyambira.
Bazi reMeteorological Services Department rinoti izvi zvinoreva kuti nyika ichawana mvura shoma-shoma mwaka unotevera.
Vachitura zvinotarisirwa kunge zvakaita mamiriro ekunze mumwaka wa2018/19 pagungano reNational Climate Outlook Forum nemusi weChipiri chino muguta reHarare, Ambassador Grace Mutandiro vanoti kuziva mamiriro ekunze kwakakosha zvikuru sezvo izvi zvichiita kuti mapoka ose akwanise kuita hurongwa hunenge hwakajeka.
“Mwaka wekurima wa2018/19 uri kutaridza kuti kuchave neEl Nino. El Nino inodyidzanidzwa nekudziya kwemamiriro ekunze epamusoro pemvura yegungwa rePacific Ocean uye kwemakore akawanda mamiriro ezvinhu akadai aya anodyidzana nekunaya kwemvura shoma mudunhu rino.
“Tinoziviswa kubva mutsvakirudzo dzinoitwa munyaya dzesainzi kuti chikamu che62 percent cheEl Nino chinowanzokonzera kunaya kwemvura shoma muZimbabwe zvinoita kuti tisare nechikamu che40 percent chekunaya kwemvura zvakanaka mwaka unotevera. Vanoita tsvakirudzo vakaonawo kuti hazvirevi kuti kana kuine El Nino kunozita nzara makore ose,” vanodaro.
Vachitaurawo pagungano rimwe chete iri, VaPaul Zakariya vekuZimbabwe Farmers Union vanoti zvakakosha kuti varimi varime mbeu dzinoenderana nemamiriro ekunze kuitira kuti vawane goho guru. Vanoti nyaya dzemadiridziro dzinofanirwawo kusimudzira senzira yekupedza matambudziko anokonzerwa nekusanaya kwemvura zvakaringana.

Share This:

Sponsored Links