Mvura iri kuuya – Met Dep

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Mvura iri kuuya – Met Dep

Kwayedza

MVURA inotarisirwa kunaya kumatunhu akasiyana enyika anosanganisira Bulawayo Metropolitan, Matabeleland South, Midlands, Masvingo neManicaland kutanga nemusi weChina svondo rino.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vatore matanho ekuzvidzirira kubva kunjodzi dzinokonzerwa nemvura inonaya.

Kana mvura ichinaya iine dutu, inogona kutakura matenga edzimba, miti kana tambo dzemagetsi nekudaro veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagare mudzimba kana munzvimbo dzakavharika.

Ongororo yakaitwa nanamazvikokota inoratidza kuti dzimba dzakapfirirwa nehuswa hadzitakurwe matenga adzo nyore nemvura ine dutu kana zvichienzaniswa nedzakapfirirwa nemarata kana matiles.

Vanhu vanogara munzvimbo dzinowanzosangana nedambudziko remalaria dzinosanganisira Chiredzi neZambezi Valley, vanokurudzirwa kuti vatore matanho ekudzivirira kutapurirwa chirwere ichi sekufirita nemishonga inouraya humhutu kana kushandisa mosquito nets. – Meteorological Services Department

Share This:

Sponsored Links