Mvura yakawanda ichanaya, iine dutu

22 Nov, 2021 - 09:11 0 Views
Mvura yakawanda ichanaya, iine dutu VaPaul Zakariya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANOONA nezvemamiriro ekunze, veMeteorological Services Department (MSD) vari kuyambira veruzhinji kuti munyika muchanaya mvura yakawandisisa kusvika nemusi weChitatu svondo rinotevera.

Mvura iyi, MSD inodaro, ichanaya nehuwandu hwe30mm uye ichiperekedzwa nemipande yemheni, dutu rine mhepo inogona kuparadza zvinhukune dzimwe nzvimbo.

Ongororo iri kuitwa neMSD inoratidza zvekare kuti kune mwando uri kubva kunyika yeBotswana uchipfuura nemumatunhu anoti Matabeleland North neSouth.

“Zvichitevera kupisa kwakanyanya uko kuri kuitika, tiri kutarisira mipande yakaipisisa ichange ichiperekedzwa nemhepo yakanyanya uye mheni mune dzimwe nzvimbo,” inodaro MSD ichipa yambiro.

Vanoti chiitiko ichi hachisi chitsva mumwaka uno wegore sezvo nyika iri kutarisirwa kuva nemvura yakawanda munguva ino yeZhizha.

“Dutu rinogona kutora matenga edzimba, kudonhedza miti pamwe nekuparadza dzimwe dzimba idzo dzisina kunyatsosimba. Veruzhinji tinokuyambirai kuti musaite nzendo muri mudzimotokari dzakashama semarori, kuva muminda kana kuhwanda pasi pemiti. Kana mafunga kushandisa migwagwa mukufamba, ngwarirai nekuti mimwe inenge yava nemakomba, magirizi kana kuwandirwa nemvura zvinoita kuti mavhiri edzimotokari akundikane kutsika zvakanaka pakati pezvimwe zvinhu zvinogona kuyeredzwa zvichipinda mumigwagwa sematanda, waya, kana mapazi emiti,”  MSD inodaro.

Veruzhinji vanokurudzirwa zvekare kuti vatevedze mashoko eyambiro ayo ari kugara achikushwa nesangano iri.

Zvichakadai, kune vana vasikana vaviri vari kunzi vakarohwa nemheni nezuro apo vaifamba vachibva kuchikoro vodzokera kumba, vose ndokunofa vachangosvika kuchipatara.

Njodzi iri inonzi yakaitika pakanaya mvura kumazuva rovira.

Kwayedza haisati yanzwa zvizere nenyaya iyi kubva kumapurisa.

Nekune rimwe divi, vamwe varimi vakatotanga kudyara zvirimwa zvavo.

Mutungamiri wesangano revarimi vechidzimai vekumaruwa, reZimbabwe Women Farmers Association Trust, Mai Depinah Nkomo vanoti varimi vakawanda vekumaruwa vatova muminda kudyara kuti vasasiiwe nemwaka.

“Takagadzirira chose kurima asi tava kungotyira iwo mafashamu ari kutaurwa kuti anogona kuzoparadza zvirimwa zvedu uye kuyeredza mafetiraiza. Zvinorwadza nekuti kusanduka kwemamiriro ekunze uku kunogona kuuya nenzira inotikanganisa isu varimi, zvikuru apo zvekushandisa sembeu, fetiraiza, kuhaya matirakita zviri kudhura.

“Zvisinei, tinoramba tiine tariro yekuti tichakunda uye tiri kurima zvekare zvimwe zvirimwa zvidiki semapfunde, mhunga, zviyo nenyemba kuitira kuti mvura iyoyi inogona kutirasisa saka hatizoshayi pekubata sezvo mbeu diki dzichitivirira muzuva uye hadzinei nemafetiraiza nemishonga indhurira varimi,” vanodaro.

VaPaul Zakariya, veZimbabwe Farmers Union (ZFU), vanoti kune vamwe varimi vari kurima nenzira dzemadiridziro avo vainge vakatodyara kare uye zvirimwa zvavo zviri pakanaka.

Varimi vakawanda vakatochera makomba ePfumvudza nekudaro vava kutotanga kudyara mbesa dzavo nemvura yatanga kunaya iyi.

Share This:

Sponsored Links