Uncategorized

Mvura yodhiritsa dzimba

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Mvura yodhiritsa dzimba

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MVURA yakawanda iri kunaya yakonzera kudhirika kwedzimwe dzimba nekuparadza midziyo mumusha weHopley, muHarare.

Migwagwa yemunzvimbo iyi haichafambika sezvo yangova makomba azere mvura. Sesvondo rino, zvichitevera kutsvotsva kwemvura yakawanda, dzimba zhinji nezvimbuzi zvasiiwa zvadhirika.

Mumwe mugari wemuHopley Zone 6, Brenda Chapukira (21) anoti upenyu hwavo huri panjodzi nedzimba dziri kudhirika idzi.

Brenda Chapukira

“Mvura ikatanga kunaya husiku tinomuka nekutyira kuti tinofira kuhope dzimba dzadhirika. Chimwe chikonzero ndechekuti dzimwe dzimba muno hadzina kusimba, dzakavakwa pasina simende dzimwewo nezvidhinha zvisina kupiswa,” anodaro.

VaCaleb Kazingizi (38) vanoti imba yavairoja yakadhirika pakati pehusiku varimo ivo, mudzimai wavo nemwana vakapunyuka neburi retsono.

Mvura yazara mumigwagwa

“Mvura yakatanga kunaya pakati pehusiku imba yedu yaiva nemipanda mitatu ichibva yadhirika rumwe rutivi, apo midziyo inosanganisira TV, generator nezvimwe yakaparadzwa,” vanodaro.

Caleb Kazingizi

Vanoti vakazotorana nemudzimai wavo, Winnet Mavhura (26), ndokunokumbira pekurara pamba pemuvakidzani wavo apo vari kugara pari zvino. VaMilton Musasa (49) vekunzvimbo imwe chete iyi vanoti mamiriro ezvinhu munzvimbo yavo haana kunaka.

 

Share This:

Sponsored Links